Gwaro raparurwa nebhanga repasi rose reWorld Bank, rinoti hupfumi hweZimbabwe hunogona kukura nezvikamu gumi kubva muzana, kana kuti 10 percent, pagore mukati memakore gumi anotevera kana hurumende yakashandisa kurudziro yekuvandudza hupfumi hwenyika.
Asi gwaro iri rinoti kana hurumende yakasashandura maitiro ayo, hupfumi hwenyika hucharamba huchidzikira nezvikamu zvitatu kubva muzana, kana kuti three percent gore roga roga, uye rayambira kuti nzira ichatorwa neZimbabwe ndiyo ichaumba remangwana rayo.
Kuti Zimbabwe ibude mumadhaka mairi, World Bank iri kukurudzira hurumende kuti itore matanho anosanganisira kuti isunungure mashandiro emusika wemari yekunze, ivandudze mitemo inobata boka rezvicherwa kuitira kukwezva vanoda kudyara mari dzavo, uye kugadziridza migwagwa inoenda kunzvimbo dzinoshanyirwa.
Asi nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano chagavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, VaPersistencce Gwanyanya, vanoti zviri kukurudzirwa neWorld Bank izvi ndizvo zvakakurudzirwa zvakare nechikwata cheIMF Staff Monitered Programme chakanga chiri muZimbabwe masvondo mashoma adarika.
VaGwanyanya vanoti zvinotora makore kugadzirisa matambudziko akatarisana nehupfumi hwenyika, nekudaro hurumende inoda nguva yekuita izvi.
Rimwe gwaro rakaburitswa nebhanga repasi rose iri rinoti Zimbabwe ndiyo nyika yepiri pasi rose panyika gumi dzine mitengo yezvekudya iri pamusorosoro, ichitevera Argentina.
Your browser doesn’t support HTML5