Matunhu Gumi neMatanhatu Ovhota muAmerica Mangwana Kutsvaga Vachakwikwidza muSarudzo yeMutungamiri weNyika

VaJoe Biden, VaDonald Trump naAmai Nikki Haley

Musi weChipiri 5 Kurume, izuva rinozivikanwa nekuti "Super Tuesday."

Pazuva iri , vatsigiri vemapato eRepublican Party ne veDemoctratic Party vemumatunhu gumi nematanhatu, kusanganisira chitsuwa cheAmerican Samoa, vanenge vachisarudza wavanoda kuti vakwikwidze musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

Zuva re"Super Tuesday" rinopa mavhoti ema kana kuti ’delegates’ anoita mazana masere and makumi mashanu nemana kune anenge akunda musarudzo dzeRepublican party, ukuwo achipa mavhoti ema’delegates’ anoita chiuri chimwe chete chine mazana mana nemakumi maviri.

Parizvino, VaDonald Trump veRepublican Party vane ma’delegates’ mazana maviri ane makumi mana nemana (244) asi vachida chiuru chimwe chete chine mazana maviri ane gumi nemashanu (1,215) kuti vakunde musarudzo dzebato ravo.

Ukuwo VaJoe Biden veDemocratic Party vane ma’delegates’ mazana maviri nematanhatu (206) asi vachida ma"delegates" chiuru chimwe chete chine mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nemasere (1,968)

Dunhu rega rega rine ma"delegates" akasiyana siyana zvichiendererana nehuwanu hwevanhu vanenge varimo. Semuenzaniso, Carlifonia ine ma"delegates" akawanda kudarika muWashington DC mune vanhu vashoma.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachishanda nesangano re ‘All Hands On Justice’’, VaKennedy Masiye, vanoti "Super Tuesday" inokosha zvikuru sezvo kazhinji munhu anenge awana ma"delegates" akawanda achizobudirira mukudomwa kuti amirire bato musarudzo yemutungamiri wenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaKennedy Masiye