Zimbabwe inoti America inofanira kuburitsa nehumbowo hwekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnanagwa nevamwe vavo vakatemerwa zvirango vari kutyora kodzero dzevanhu nekuita zvehuori.
Hofisi yemutungamiri wenyika yaburitsa mashoko aya nhasi ichipa divi rayo panyaya yezvirango zvakatemerwa VaMnangagwa nevamwe gumi nemutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden.
Asi Zimbabwe inoti kana pasina humbowo uhu zviri kuitwa neAmerica zvinenge zvakanangana nekuda kuisvokosva.
America iri kupomera VaMnangagwa mhosva yekuita zvehuori munyaya yekutengeswa kwemangoda uye goridhe. VaMnangagwa vanonzi vari kushanda nezvigeven’a kuburitsa nemukoto goridhe nemangoda nekuzvitengesa pamikoto uye kuita zvechiokomuhomwe.
Hurumende yeAmerica inotiwo VaMnangagwa ndivo vantungamira mauto nemapurisa ayo vanoshandiswa kudzvinyirira kodzero dzevanopikisa nemasangano akazvimiririra.
VaMnangagwa vanonzi vari kuita zvehuori vachishandisa zvisizvo midziyo yehurumende uye kuita zvechizivano vachipa hama dzavo mabasa.
Mumashoko kuvatori venhau, hofisi yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa inoti mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act kana kuti ZIDERA wakaiswa mushure mekunge Zimbabwe yatora ivhu kubva kuvachena ichipa vatema.
Zimbabwe inoti mutemo uyu unotyora zvibvumirano zveUnited Nations mukudyidzana kwenyika uye uri kudzosera hupfumi hwenyika kumashure. Asi America inoti zvirango izvi zvakanangana nevashoma vanotonga nedemo.
America yakabvisa vanhu vakawanda nemakambani pazvirango ichiti yave kuda kunyatsonangana nevashoma vari kutyora kodzero dzevanhu nekuita huori. Asi Zimbabwe inoti zvirango zvose zvinofanira kubviswa. Ukuwo muzinda weAmerica muZimbabwe unoti VaMnangagwa nevamae vavo vakaremekedza kodzero dzevanhu zvirango zvinobviswa.