Apo nyika yakatarisana nenzara inotyisa yakonzerwa negoho remwaka wapera risina kunge rakanaka ichiwedzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura mwaka uno, vamwe vanoongorora nyaya dzechikafu vari kukurudzira hurumende kuti ikasike kutora matanho ekutara kushomeka kwechikafu sedambudziko renyika yose rinoda kugadziriswa nechimbichimbi.
Sangano reRural Communities Empowerment Trust, iro rinoshanda nevagari vekumaruwa, rinoti nzara yatonyanya kupfunya chisero mudunhu reMatabeleland North, uko vanhu vanosvika pazvikamu makumi mana nezviviri kubva muzana, kana kuti 42 percent, vari kunzi nehurumende vanoda rubatsiro.
Dunhu reMashonaland West ndiro rinonzi rine huwandu hwepasi pasi hwevanhu vanoda rubatsiro rwechikafu hunosvika pazvikamu guni nezviviri kubva muzana, kana kuti 12 percent.
Hurumende inoti yakatoparura chirongwa chekutanga kubatsira nechikafu vanotambura mumatunhu akasiyanasiyana munyika, ichiti chibage chinodarika matani zviuru zviviri nemazana manomwe, kana kuti 2,722.46 metric tons, chakatogoverwa kuvanhu vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi mana nezvinomwe, kana kuti 247,576.
Asi kunyange hazvo hurumende kune rimwe divi ichimboti ine chikafu chinokwanira nyika, panguva imwecheteyo inoti zvakare inofanirwa kutenga chimwe chibage kubva kunze kuitira kutsigira chiri mumatura ayo.
Sangano rinomirira vanogaya upfu, reGrain Millers’ Association, rakaudzawo paramende mazuva mashoma adarika kuti rine hurongwa hwekupinza munyika matani miriyoni imwechete echibage kubva kunze kutanga iye zvino kusvika mwedzi waKurume gore rinouya.
Masangano anoti reWFP neZIMVAC anoti vanhu mamiriyoni maviri nezviuru mazana manomwe kana kuti 2.7 million vari kuda rubatsiro rwechikafu, asi Food and Agricultural Organisation, FAO, inoti vanhu 3.5 million ndivo vari kuda rubatsiro munyika nekukasika.
Nyanzvi mune zvekugoverwa kwechikafu uye vakambotungamira sangano reChristian Care, VaValentine Ziswa, vanoti yasvika nguva yekuti hurumende iise parutivi nyadzi ishevedzere rubatsiro kubva kumadzisahwira pamwe nemasangano anopa rubatsiro.
VaZiswa vanoti chikafu chiri kunzi nehurumende chiri kugoverwa vanoshaya chizhinji chacho chiri kugoverwa pachitariswa kuti munhu abuda mumba maani mune zvematongerwo enyika.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaKennedy Mandaza, vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatobuda pachena kare kuti nyika inoda rubatsiro, nekudaro masangano nenyika dzinobatsira vakatonzwa kuchema uku.
Panyaya yekuti chikafu chiri kugoverwa pachishandiswa zvematongerwo enyika, VaMandaza vanoti handiro shoko riri kutumwa naro vari kugovera chikafu ava nemutungamiri wenyika, VaMnangagwa, avo vavanoti vanoda kuti chikafu chisvike kune munhu wese.
Your browser doesn’t support HTML5