Amnesty International Inoti Madzimai Anotenga neKutengesa Kunze muZimbawe, Malawi neZambia Ari Kushungurudzwa

Beitbridge Border Post

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International rinoti Zimbabwe, Malawi neZambia dziri kukundikana kuchengetedza kodzero dzemadzimai anotenga nekutengesa zvinhu kune dzimwe nyika kana kuti Informal Cross-Border Traders.

Madzimai aya anonzi anorohwa, kumbunyikidzwa munyaya dzepabonde, kutyisidzirwa nezvimwe. Izvi zvinonzi zvinowanzoitwa nevashandi vehurumende uye vamwe vanhuwo zvavo.

Amnesty International inoti nyika nhatu idzi hadzina mitemo yakati simbei inochengetedza kodzero dzemadzimai uye hadzina kuisa runyoro rwadzo pachibvumirano cheInternational Labour Organization chinochengetedza kodzero dzemadzimai kana kuti ILO 2019 Violence and Harassment Convention.

Muzvare Loveness Gotora vesangano reInternational Cross Border Traders Association vanoti ichokwadi kuti vari kumbunyikidzwa uye havana kwekutaura nhamo dzavo sezvo vakaenda kumapurisa vanosangana nedambudziko rekushungurudzwa zvekare nemamwe mapurisa anenge otoda zvebonde. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemadzimai AmaiMonica Mutsvangwa sezvo vati vange vari mumusangano.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Loveness Gotora