Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden vanonzi nevanoongorora zvipo zvinopihwa vanenge vachikwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika yeAmerica ndivo vakawana mari yakawanda kudarika vaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump.
Mumwedzi mitatu yekupedzisira gore rapera, VaBiden vakawana mari inosvika mamiriyoni makumi matatu nematatu, kana kuti US $33 million, ukuwo VaTrump vachiwana mamiriyoni gumi nemapfumbamwe, kana kuti US $19 million.
Mwedzi wapera, VaBiden vakawana mamiriyoni makumi mashanu nematatu, kana kuti US $53 million.
VaTrump havana kuzivisa nezvemari yavakawana mwedzi wapera asi muna Ndira vakawana mamiriyoni makumi matatu nematanhatu, nezviuru mazana matanhatu, kana kuti US $36, 6 million.
VaBiden, pamwe nemutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, vanonzi vachange vachishanyira matunhu makuru emunyika vachitsvaga rutsigiro rwesarudzo ichaitwa muna Mbudzi gore rino. VaTrump vari kutendererawo vachtsvagarutsigiro.
Vanoongorora zvematongerwo enyika, vachishanda nesangano reConcerned Citizens Zimbabwe, VaTim Muringaim vanoti parizvino zvinogona kuziva kuti ndiyani achakunda musarudzo yemutungamiri wenyika iyi.
Your browser doesn’t support HTML5