Nyaya Yevapoteri Yopesanisa Dunhu reTexas neHurumende yaVaBiden

Vapoteri pamuganhu wedunhu reTexas neMexico

Kunetsana kunotyisa panyaya yevapoteri kuri kuenderera mberi pakati pehurumende yemutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden, nevebato remaRepublicans vanotungamira dunhu reTexas.

Vanhu vakawanda vanoda kupotera muAmerica vachibva nekuMexico vanopinda nemudunhu reTexas riri pamuganhu wenyika mbiri idzi.

Dunhu reTexas rinoti VaBiden havasi kutora matanho akasimba ekudzivirira vanhu ava kuti vasapinde muAmerica zvisiripamutemo, nekudaro Texas yakadzika mutemo unonzi Senate Bill 4 kuti ikwanise kusunga vose vanofungidzirwa kuti vanenge vasina magwaro ekugara muAmerica vadzoserwe kuMexico.

Asi gurukota reMexico rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Amai Alicia Barcena, nezuro vakati nyika yavo haisi kuzotambira vanenge vadzingwa ava.

Hurumende yaVaBiden inoti ndiyo inofanira kuchengetedza miganhu yenyika uye kuda kungosunga vanhu kunogona kuti vamwe vagume voti pane rusaruraganda.

Nyanzvi mune zvemitemo yekupotera nekushanyirana uye vari mukuru wekambani yeSocks Law Associates, kuTexas, VaEmmanuel Ncube-Socks, vanoti mamwe matunhu emuAmerica akamirira kuona kuti mutemo wedunhu reTexas uyu uchabvumidzwa kushandiswa here.

Vanoti ukadzikwa mamwe matunhu anoitawo zvimwe chete obvumidza mapurisa kusunga nekudzinga vasina magwaro, izvo vanoti kutyora kodzero dzevapoteri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na VaEmmanuel Ncube Socks