VaFaye Vokunda Musarudzo dzemuSenegal Panguva Iyo Vamwe Vatungamiri vemuAfrica Vorambidza Vanopikisa Kukwikidza

Bassirou Diomaye Faye

Mutungamiri webato guru rinopikisa muSenegal VaBassirou Diomaye Faye vane makore makumi mana nemana ekuberekwa ndivo vakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika iyi.

VaFaye vaneg vaine rutsigiro rwakasimba kubva kune mumwe mutungamiri wechidiki akarambidzwa kupinda musarudzo VaOusmane Sonko vaive nerutsigiro rwakakura kubva kune vechidiki vemunyika iyi.

VaSonko vakarambidzwa kukwikwidza vachinzi vainge vasvibisa zita rerimwe gurukota renyika iyi. Vainge vambopomerwa dzimwe mhosva idzo dzakaraswa nedare.

VaSonko vanoti mutungamiri wenyika ave kusiya basa VaMacky Salle ndivo vaishanida mabindauko ekuti vasabvumidzwe kukwikwidza musarudzo.

Asi kuSenegal handiko chete kuri kuda kurambidzwa vanopikisa kupinda musarudzo pachishandiswa matare sembato. Izvi zviri kuitika muSouth Africa umo vebato reUmkonto weSizwe vari kuda kurambidzwa kupinda musarudzo neANC.

Mutongo panyaya iyi uchapihwa mangwana. MuChad vanopikisa gumi vakarambidzwa kupinda musarudzo zvinova zvakaitikawo muZimbabwe umo VaSavior Kasukuwere vakarambidzwa kukwikwidza nehurumende yeZanu-PF.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vanodzidzisa paTswane University of Technology vanoti zvekurambidza vanokwikwidza kupinda musarudzo ndizvo zvinoitwa neRussia uye vatungamiri vemuAfrica vanenge vave kuzvitevedzerawo.

Mutungamiri weRussia VaVladimir Putin vakarambidza vamwe vanopikisa kubinda musarudzo dziri kushorwa nevamwe dzichinzi dzakabirirwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Ricky Mukonza