Kanzuru inoona nezvebvunzo munyika yeZimbabwe School Examinations Council (ZIMSEC) yazivisa kuti yawedzera mazuva ekuti vana vabhadharirwe mari yekunyora bvunzo dzeGrade 7, O ne A level.
Izvi zvinotevera kuchema chema kwevabereki kuti vainge vapihwa nguva pfupi yekuti vabhadhare.
ZIMSEC inoti yawedzera nguva iyi kusvika musi wa 17 Chivabvu, asi vamwe vabereki varikuchema nekuti kune zvikoro zvirikuramba kugamuchira mari yemunyika.
Mukuru we sangano reNational Schools Development Committee, VaBanny Manokore vaudza Studio7 kuti zvikoro zvirikufanirwa kutendera vabereki kuti vabhadhare mari idzi nemari yemuno munyika.
SEE ALSO: Hurukuro naVaBanny Manokore.Mutauriri webazi rezvedzidzo yepasi vaTaungana Ndoro vaudza Studio7 kuti hakuna chikoro chinotenderwa kuramba mari yemuZimbabwe.
SEE ALSO: Hurukuro naVaTaungana Ndoro.Vana veO' Level vari kubhadhara madhora ekuAmerica makumi maviri nemana kana US$24 pachidzidzo choga choga ku A' Level vachibhadhara madhora makumi mana nemasere kana US$48.