Bazi rinoona nezvehutano muAmerica, reCenter for Desease Control and Prevention (CDC) riri kuyambira vanhu, zvikuru vana neavo vanoshanyira dzimwe nyika, kuti vangwarire chirwere chegwirikwiti, kana kuti measles.
Chirwere ichi chiri kupararira zvikuru munyika zhinji kusanganisa muAmerica. Vanhu vabatwa nechirwere ichi muAmerica mumwedzi mitatu yegore rino vanopfuura vanhu vakabatwa nechirwere ichi mukati megore ra 2023 rese.
CDC inoti parizvino, chirwere che gwirikwiti chawanikwa mumatunhu eAmerica gumi nemanomwe.
Hurumende yeAmerica iri kukurudzirwa kutsvagira vanhu nhoma yekudzivirira chirwere ichi.
CDC inoti varwere vazhinji vanozikanwa parizvino vana vadiki vane makore gumi nemaviri zvichikwira avp vange vasati vabaiwa nhomba yegwirikwiti.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Simbiso Ranga vanoti chirwere ichi chiri kupararira zvikuru nekuti munguva yeCovid-19 vanhu vakawanda vaisaenda kuzvipatara kunobaisa vana nhomba yegwirikwiti.
Your browser doesn’t support HTML5