Hurumende Yotumira Chikwata kuHurungwe Kwafa Vana Makumi Matatu Nemashanu (35) neChirwere cheMahumunya neGwirikwiti

Women take children to the clinic

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti chikwata cheCivil Protection Unit kana kuti CPU vari kuHurungwe, Mashonaland West kune vana makumi matatu nevashanu vafa nechirwere chemahumunya nechegwirikwiti.

VaMagwanwa vakataura mashoko aya padandemutande reX, yaimbonzi Twitter. Vanotiwo vana ava vane vabereki vanopinda kereke dzisingabvumidze nhengo dzavo kubayiwa nhomba kana kuenda kuzvipatara.

VaMangwana vanoti nyaya iyi yakazobuda mushure mekunge mumwe wechitendero ichi aendesa vana kuchipatara cheKaroi vakawanikwa vaine chirwere chegwirikwiti nemahumunya.

Mugore ra 2022 vana vanodarika zana nemakumi mashanu vakafa nechirwere chegwirikwiti icho chakabata vamwe vanodarika mazana maviri.

Asi mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vati vange vachangopinda muhofisi nekudaro vati tozovabata mangwana sezvo vange vasati vasumwa zvizere.

Asi chiremba VaSimbiso Ranga vaudza Studio7 kuti chirwere chegwirikwiti chinogona kukundwa chete nekubaya vana nhomba.

SEE ALSO: Hurukuro naVaSimbiso Ranga.