Rimwe bato rinopikisa muSouth Africa, reAfrican Transformation Movement, rakanyora tsamba kukomisheni inoona nezvesarudzo munyika iyi, yeIndependent Electoral Commission, richinyunyuta nemashoko ekuti bato reZanu PF rine hurongwa hwekuzoongorora sarudzo dzichaitwa munyika iyi musi wa 29 mwedzi uno.
Bato iri rinoti riri kupokana nedanho iri nezvikonzero zvakawanda zvinosanganisira chekuti Zimbabwe ine nhoroondo yekubirwa nekusafambiswa zvakanaka kwesarudzo, izvo zvinosvibisa sarudzo dzose dzainenge iine chekuita nadzo, richiti kubvumidza bato reZanu PF kuongorora sarudzo kunosvibisa chimiro chehurongwa hwesarudzo muSouth Africa.
Mamwe mapato anopikisa munyika iyi anonzi ari kupokanawo nehurongwa hwekuti Zanu PF iongorore sarudzo uhu.
Asi mutungamiri webato riri kutonga muSouth Africa, reANC, vari mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vanonzi nenhepfenyuro yeSABC vakati hapana chakaipa pakuti Zanu PF iongorore sarudzo dzichaitwa munyika iyi idzi.
Izvi zviri kuuya panguva iyo bato reZanu PF rakazivisa kuti rakakokwa neANC kuti riibatsire kutsvaga rutsigiro mumazuva mashoma asara aya sarudzo dzisati dzaitwa.
Hatina kukwanisa kubata mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti bato reATM nemamwe ari kunyunyuta havasi kunzwisisa danho revanoongorora sarudzo, vachiti kuenda kweZanu PF kuSouth Africa hakusi kuenda kunovhoterwa kana kuverenga mavhoti, asi kuti kungonoongorora mafambiro esarudzo chete.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology kuSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanotiwo kunyunyuta kwemapato emuSouth Africa kusanganisira reATM idanho risingataure zvakanaka pamusoro peZanu PF pachayo sebato.
Muzvinafundo Mukonza vanoti zvinoita kuti Zanu PF iite sembwa iya ine rushambwa kana kuti munhu ane maperembudzi asina anoda kuswederana naye pedyo.
Your browser doesn’t support HTML5
ANC neZanu PF dzine hukama hwekuti ndiwo mapato akanoti akarwira rusununguko munyika dzawo.