America Yawedzera Mari yeMitero Pazvinhu Zvainotenga kuChina

VaJoe Biden

Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden vawedzera mari pamitero yezvinhu zvinotengwa kuChina, zvakaita semotokari dze magetsi, kana kuti Electric Vehicles, tsono dzemajekiseni, mabhatiri emota neesimba rezuva kana kuti solar batteries , macomputers nezvimwe.

VaBiden vanoti vaita izvi nekuti America iri kuda kuchengetedza makambani ayo. Asi China yati izvi hazvina zvazvinobatsira sezvo zvichapa kuti zvinhu zvidhure muAmerica.

Nyanzvi mune zvehupfumi, vachidzidzisa paDevry University, kuOhio Muzvinafundo Elliot Masocha vaudza Studio 7 kuti kuwedzerwa kwemari ye mutero uku kuchakonzerawo kukwira kwemitengo yezvunhu pasi rose sezvo zvinhu zvinogadzirwa kuChina izvi zvinenge zvakwidzwa mutengo kuti makambani eChina asarasikirwa nemari mumabhizimisi awo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha.m4a