VaSikhala Vanoti Havavhunduke Mutsindo weBete Mushure Mekutaura kuUN Kuti muNyika Maberekera Ingwe

VaJob Sikhala

Vaimbova mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala vanoti havasi kuzovhunduka mutsindo webete mushure mekunge vamwe vakuru muhurumende nemubato riri kutonga reZanu-PF vatanga kuvatyisidzira.

Izvi zvinotevera kutaura kwavakaita kumusangano wekodzero dzevanhu weUnited Nations 16th Annual Geneva Summit for Human Rights and Democracy kuti muZimbabwe muri kutyorwa kodzero dzevanhu zvakanyanya.

VaSikhala vakataura nezve kupedza makore anoda kusvika maviri vari mujeri vachipomerwa mhosva yekuda kupesvedzera mhirizhonga.

Vamwe vari kunyora vachishora VaSikhala vanosanganisira munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana avo vasina havo kuvadoma nezita uye vaimbova gurukota rezveasori VaOwen "Mudha" Ncube.

Hatina kukwanisa kubata mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaFarai Marapira sezvo vange vasiri kudaira n harembozha yavo. Asi tabata VaSikkala.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJob Sikhala