WASHINGTON DC —
Komiti yeparamende inoona nezvehutano yange ichitenderera muzvipatara inoti ichakurudzira kuwedzerwa kwemari yebhajeti inopihwa bazi rezvehutano pamwe nekuwandudza mitemo kuti zvipatara zvehurumende zvikwanise kubhadharisa vamwe varwere kuti zvikwanise kuzvimiririra.
Asi dzimwe nyanzvi dzinoti zvipatara zvehurumende zvikatanga kubhadharisa vakawanda vachatadza kuapwa.
Komiti iyi inotiwo zvipatara zvehurumende zvakawanda munyika hazvina michina, mishonga, vashandi vakakwana, nezvimwe zvikwanisiro zvinodiwa pakurapa varwere.
Nhengo yekomiti iyi Amai Perseverance Zhou vaudza Studio7 kuti zvinhu zvanyanya kuita manyama amire nerongo muzvipatara.
SEE ALSO: Hurukuro naAmai Perseverance Zhou.