Zvizvarwa zveZimbabwe Zvotarisirwa Kuungana Kutanga Mangwana kuGungano Guru reZimExpo kuChicago

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zim-Expo

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zviri kutarisirwa kupinda mugungano rekuratidzira zvakasiyana siyana munyaya dzemabhizimisi nemitambo kana kuti ZimExpo.

Gungano iri riri kutanga nemusi weChishanu kusvika nemusi weMuvhuro.

Mumwe wevari kuronga zvirongwa zveZimExpo VaAnesu Manjengwa vekambani inonzi sadza.com vanoti vachange vachishanda nemuzinda weZimbabwe uri muWashington DC kuitira kuti vanoda kutora mangwaro ekufambisa nezvimwe vakwanise kuita izvi pagungano iri.

Gungano iri rakaitirwa muAtlanta Georgia gore rapera. VaMajengwa vanoti pachange pane vanyarikani varikubva kuZimbabwe uye varikutarisira kuti vachauya kungungano iri vanakidzwe uye kuti vawane mukana wekukudza mabhizimusi avo.

"Tine vanyarikani vari kubva kuZimbabwe vanosanganisira mushamarari Miss V Candy, neanoita zvekusetsa vanhu, Nigel The Slick Pastor avo vari kutarisirwa kufadza veruzhinji pagungano iri," VaManjengwa vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Anesu Manjengwa