Mari Itsva yeZiG Yoiswa paMari Ina dzePasi Rose Dzisina Huremu Hwakanyanya

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zimbabwe yakaparura mari itsva yeZiG muna Kubvumbi.

Nyanzvi yezvehupfumi yemuAmerica, Muzvinafundo Steve Hanke, vaisa mari itsva yeZimbabwe yeZiG pachinhanho chechina pamari dzisina huremu hwakanyanya pasi rose kana dzichienzaniswa nedhora rekuAmerica.

Vachinyora padandemutande re‘X’ iro raimbonzi Twitter, VaHanke vaisa Pound yekuSudan pachinhanho chepamusorosoro iine huremu hwezvikamu makumi matatu nezvitanhatu nezviga zvisere kubva muzana, kana kuti 36.8 percent, ichiteverwa nePound yekuSouth Sudan iyo iri pachinhanho chepiri.

Pachinhanho chetatu pane Peso yekuCuba, kuchizouya ZiG, iyo ine huremu hwezvikamu makumi maviri nezvitanhatu nezviga zvishanu kubva muzana, kana kuti 26.5 percent.

Asi hurumende yeZimbabwe inogaropokana nemaonero aMuzvinafundo Hanke ichiti vanotaura manyepo.

Ukuwo, bhanga repasi rose reWorld Bank rakazivisawo svondo rino kuti Zimbabwe iri pakati penyika gumi neshanu dzemuAfrica dziri kutarisirwa kuve nehupfumi husiri kuzokura zvakanyanya mugore rino.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, avo vanoshanda vari kuBritain, vanoti vanowirirana nemaonero aMuzvinafundo Hanke.

"Zvakakosha kuti zvinhu zvifambiswe zvakanaka munyika kuitira kuti vanhu vave neruvimbo nemari yeZiG, saka ini ndinotenderana naMuzvinafundo Hanke mumawonero avo nyaya yemari iyi," Muzvare Mutambasere vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Chenaimoyo Mutambasere