VaBiden naVaTrump Voyedza Kukwezva Vatema Kuti Vavavhotere

VaBiden na VaTrump varikuedza kukwezva vanhu vatema kuti vavavhotere

Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden, naVaDonald Trump, avo vari kukwikwidzana musarudzo yemutungamiri wenyika, vari kutsvaga rutsigiro kubva kuvanhu vatema.

VaDonald Trump vakaudza vavhoti muNew York kuti vanhu vose vachawana chouviri kana vakasarudzwa, vachiti, “Hazvina basa kuti uri mutema kana muchena, kana rupi rwudzi." Vakatiwo, 'Tose tiri vana veAmerica nekudaro tinofanira kubatirana pamwe.”

Ukuwo, VaJoe Biden vakaudza vanorwira kodzero dzevanhu kuMichigan kuti dare ravo remakurukota rine marudzi ose, vachiti, “Tine vatema vakawanda, madzimai akawanda, nevemarudzi madiki vakawanda muhurumende yedu kudarika dzimwe dzose munhoroondo yeAmerica. Ndokusaka tiri kuita zvakanaka.”

VaTrump naVaBiden vari kutsvagawo rutsigiro kubva kuvatema musarudzo inonzi nevamwe achaita mutungamiri wenyika ndiye anenge akunda mumatunhu mashoma shoma asinganyatsozivikanwa kuti anovhotera ani, kana kuti ma”swing states.

”Izvi ndizvo zviri kupa kuti kuvhota kwevatema kukoshe sezvo mumatunhu aya maDemocrats nemaRepublicans anenge akasiyana nemavhoti mashoma shoma.

Ongororo yakaitwa nesangano rePew Research inoratidza kuti zvinhu zviri kunyanya kukosheswa nevatema musarudzo iyi inyaya yedzidzo nemabasa. VaTrump vanoti vanogona kuzvigadzirisa zvose, vachiti, “Tichave nezvikoro zvemhando yepamusoro." Tichaunza budiriro mumamana mose, munzvimbo diki dzose dziri mumaguta.”

Chikwata chiri kutsigira VaBiden kutsvaga rutsigiro chiri kuvashambadzirawo muNew York chichitaura nezvaVaTrump uye chakaburitsa mashoko akambotaurwa naVaTrump ekuti, “Ichokwadi, handifarire vanhu ava.”

Panozonzwikwawo izwi richiti, “Kusaremekedza vanhu vatema kwaDonald Trump hachisi chinhu chitsva. Akamboendeswa kumatare nekuramba kuti vanhu vatema varoje dzimba dzake dzinogara vazhinji uye akambokurudzira kuurayiwa kwevamwe vatema vashanu kunyangwe vainge vasina mhosva.”

VaBiden vanoti VaTrump munhu asingaregerere uye vakasarudzwa vacharwadzisa vemarudzi mashoma.

VaBiden vanoti, “Trump haasi kuda kusarudzwa kuti atungamire America." Ari kuda kutsividza kune vaanofunga kuti vakamutadzira. Hakusi iko kutungamirwa kunoitwa nyika. Haungavake nyika nekuda kutsividza. Haungape vanhu hugaro hwakanaka uchiita zvehutsinye nedaka. Ndokusaka ndiri kutsvaga rutsigiro rwenyu kuti ndiendese nyika mberi.”

Nyaya yekupinda kwevanhu vachida kupotera muAmerica ndiyo yaishandiswa naVaTrump kutsvaga rutsigiro kuSouth Bronx kutsvaga rutsigiro.

VaTrump vakati, “Vanhu vatema vemuAmerica vari kupondwa. MaHispanic Americans ari kupondwa." Vakatizve, "Kune mamiriyoni nemamiriyoni evanhu vari kupinda munyika medu zvisiri pamutemo vachiuya kozotora mabasa enyu vatema nemaHispanics. Mave kushaya pekugara, muri kutorerwa zvose zvamuinazvo”.

VaBiden vakaudza vatema kuti vari kuvada kuti vakunde VaTrump musarudzo, vachiti, “Ndimi chikonzero chakapa kuti Donald Trump anzi Vaimbova mutungamiri wenyika mushure mekukundwa musarudzo, ndimi zvakare chikonzero chichaita kuti Trump akundwe musarudzo zvakare.”

Makore mana adarika, vatema zvikamu makumi mapfumbamwe nemaviri kubva muzana kana kuti 92% vakavhotera VaBiden. Asi ongororo yakaitwa nePew Research mwedzi wapera inoti rutsigiro urwu rwaderera kusvika pazvikamu makumi manomwe nemanomwe kubva muzana kana kuti 77% zvichienzaniswa nezvikamu gumi nezvisere kubva muzana kana kuti 18% zviri kutsigira VaBiden.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Yabva Kuna Scott Stearnes

Iyi inyaya yabva kuna Scott Stearns, mutori wenhau we VOA News ari muWashington, makaipiwa naTanonoka Whande weVOA Studio 7.