Vanhu gumi nevaviri kana kuti “jurors” vari kubatsira mutongi panyaya iri kupomerwa vaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kuenderera beri vachizeya zvakaturwa kudare nezvapupu.
VaTrump vari kupomerwa mhosva yekunyora zvekunyepa pamagwaro avo ezvekufambiswa kwemari dzekambani yavo nekuda kuvanza mari yavanonzi vakabhadhara mumwe mudzimai anoita zvemafirimu epabonde kuti vakwanise kukunda musarudzo yemutungamiri wenyika muna2016.
Asi kutsvaga rutsigiro musarudzo dzemuna Mbudzi gore rino kuri kuenderera mberi panze pedare. Mutori wenhau weVOA, Scott Stearns, anotipa nyaya yekutsvaka rutsigiro rwesarudzo yegore rino kuri kuenderera mberi panze pedare ririkunzwa nyaya iyi muguta reNew York.
Kwemasvondo matanhatu ose apfura, VaDonald Trump vange vachigunun’una kuti zvekuendeswa kwavo kumatare zvine chekuita nezvematongerwo enyika vachiti, “Hazvisati zvamboonekwa munhoroondo yeAmerica." Vatizve, " Ndezve manyepo. Kuda kuvhiringidza mafambisirwo esarudzo nenzira isati yamboonekwa.”
Vari kukwikwidzana naVaTrump, VaJoe Biden, vange vasina kumbotaura nezvenyaya yaVaTrump iri kumatare iyi kubva zvayatanga. Asi vhiki rino vakazotaura apo mutambi wemafirimu ane mukurumbira zvikuru, Robert De Niro, akaita vhidhiyo inotsigira VaBiden ari panze pedare riri kutonga VaTrump kuNew York. De Niro anoti, “Paitsvaga VaTrump rutsigiro muna 2016, raita kunge dambe chairo.
Zvaiita sekunge munhu anotyora vanhu mbabvu nekuseka aitsvaga rutsigiro rwekutungamira nyika. Taifunga kuti haafe akatungamira. Takakanganwa kuti munhoroondo dzepasi rino, pane vaiita kunge zvedambe vakatora masimba vanhu vasingafungire vakaguma voita zvehumbimbindoga. naVaTrump tine mumwe mukana wechipiri nekuti ikozvino hapana ari kuona kunge ndezvedambe.”
Zvichitevera kushambadza VaBiden kwakaitwa naDi Nero padare paitongwa nyaya yaVaTrump, chipangamazano chaVaTrump, VaJason Miller, vanoti izvi zvinoratidza kuti VaTrump vaitaura chokwadi nguva yese iyi, vachiti, “Zvino VaBiden nevanhu vavo vabuda pachena." Vatiwo, "Mushure memwedzi yese iyi vachiramba kuti mhosva dziri kupomerwa VaTrump hadzineyi nezvematongerwo enyika, vazouya panze pedare riri kutongerwa VaTrump muManhattan.”
De Niro anoti kushambadzira VaBiden kwaakaita kuno buritsa pachena kuti "VaTrump, munhu ave kuita zvinhu zvinoratidza kusagadzikana mupfungwa nekuda masimba kubva zvaakundwa musarudzo dzemuna 2020." Atiwo, "Ave kukwikwidza zvakare. Ikozvino anoti ave kuda kuita zvehumbimbindoga nekuvandudza bumbiro remitemo. Ari kuti akasasarudzwa pachadeuka ropa. Trump anoda zvekutsiva uye achaita zvose zvaanokwanisa kuti akunde musarudzo.”
Mutauriri wechikwata chiri kutsigira VaTrump, Muzvare Karoline Leavitt, vanotivo, “Joe Biden indonda chaiyo. Anotonzwisa tsitsi. Anogona kukanganisa hutongo hwedu hwejekerere, kwete nekushandisa matare sembato asi kuti nemitemo yake yekusava nemabhodha akasimba, zvopa kuti vanhu vakawanda vapinde muAmerica vasina magwaro."
Kuri kupinda vanoita zvehutororo nembavha. Hupfumi hwedu hwakaita mamvemve. Tatarisana nehondo yepasi rino yechitatu. Izvi ndizvo chaizvo zviri kuda kunzi zvigadziriswe nevanhuvemuAmerica.
Ongororo yakaitwa ne nhepfenyuro yePBS, yakabatana neNPR neMarist Poll, inoratidza kuti vavhoti vazhinji muAmerica havasi kunyanya kutevera zvekutongwa kwaVaTrump.
Vanhu gumi nevaviri vari kubatsira mutongi ndivo vachazivisa kuti VaTrump havana mhosva here semutungamiri weAmerica kutanga kumiswa pamberi pedare kana kuti kuvabata nemhosva.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya iyi yatumirwa naScott Stearns weVOA mukaiverengerwa neni Tanonoka Whande weStudio 7.