Gwaro idzva rakaburitswa neChina nesangano remuAmerica rinoita zvetsvakurudzo, reThe Sentry, riri kuburitsa pachena kudyidzana nekushandidzana kwesangano reForever Associates of Zimbabwe, FAZ, nesangano revasori reCentral Intelligence Organisation, CIO, mukubatsira bato reZanu PF kutsvaga rutsigiro munguva dzesarudzo.
Kunyange hazvo chiri chinhu chagara chichitaurwa nevakawanda kuti FAZ yakaumbwa nevasori, humbowo huri kuburitswa neThe Sentry hunotsigira mashoko aya, uye kuburitsa pachena kushandiswa kwemapoka ehurumende kusimudzira bato rezvematongerwo enyika munguva dzesarudzo.
Gwaro iri rinodoma mutewedzeri wemukuru wevasori, VaAsher Walter Tapfumaneyi semunhu akaumba FAZ uye richiti vamwe vakanga vakanyoreswa sevakuru veFAZ vaive hama dzavo dzainosanganisira mudzimai wavo Amai Jessica Tapfumaneyi nemwanakomana wavo, VaValentine Fidel Tapfumaneyi naVaTangisai Tapera, avo vavanonzi vanodyidzana navo mune zvemabhizimusi.
Vari kunzi neThe Sentry vari muhutungamiri hweFAZ pari zvino ndaVaKudakwashe Munsaka vanove nhengo yeZanu PF, avo vanonzi vane zvikamu makumi maviri kubva muzana kana kuti 20 percent zvemasheya musangano iri, Amai Brenda Nyika, avo vanonzi vane zvikamu makumi matanhatu kubva muzana naAmai Jesca Sheila Saruchera, avo vanonzi vane zvikamu makumi maviri kubva muzana zvemasheya.
Vamwe vanonzi varimo ndavaNicksha Chipfakacha, VaLawrence Mhlaba, naAmai Sharon Chivara.
The Sentry inotiwo boka revasori reCIO rakashandisa mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nematatu emadhora ekuAmerica, kana kuti US$23 million kutenga zvikakarara zvemotokari dzakashandiswa mukutsvagira Zanu PF rutsigiro musarudzo dzadarika.
Gwaro iri riri kuyambira mabhanga nemakambani ari kudyidzana neFAZ kuti zvine njodzi huru zvekutsigira chikwata chehurumende chinozivikanwa nekutyora kodzero dzevanhu pamwe nekuderedza hutongi hwejekerere munyika.
Studio 7 yakundikana kubata VaTapfumaneyi pamwe nevamwe vari kunzi ndivo vari muhutungamiri hwesangano iri kuti tinzwe mativi avo panyaya iyi.
VaMunsaka varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti havapembedze zvinhu zvisina maturo.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vari mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vanoti zvaburitswa neThe Sentry izvi hazvina kutonyatsoburitsa zviripo, vachiti ivo nesangano ravo vakaitawo tsvakurudzo pamusoro peFAZ iyo yakaburitsa kuti sangano iri rine vari muchiuto nevasori, asi ichitungamirwa nevasori.
"So inini muChirungu inonzi a securocratic institution nekuti inenge ine ma retired mauto, ma retired police, ma retired war veterans. Vese vachishanda naVaTapfumaneyi kutsvakira Zanu PF rutsigiro," vanodaro Doctor Ruhanya.
Your browser doesn’t support HTML5