VaChamisa Vochema VaMurisi Zwizwai

Seneta Murisi Zwizwai vechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vashaya nhasi mangwanani.

VaZwizwai vange vari pakati pevamwe vakatanga bato reMovement for Democratic Change raitungamirwa namushakabvu Morgan Tsvangirai. Vakamboita mutevedzeri wegurukota rezvezvicherwa muhurumende yemubatanidzwa.

Vaive mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa vaudza Studio 7 kuti vakashanda naVaZwiwai kwemakore akawanda mukurwira hutongo hwejekere.

Vati nyika yarasikirwa zvikuru nerufu rwaVaZwizwai. Hapana zvati zvaziviswa nezvekuradzikwa kwavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa