ANC Yotsvaga veKuumba Navo Hurumende yeMubatanidzwa

Apo kuverengwa kwemavhoti mu South Africa kwave kusvika kwamvura yacheka makumbo, zvave kubuda pachena kuti African National Congress – ANC, yakundikana kuti isvike pazvikamu zvinodarika zvikamu makumi mashanu nechimwe kana kuti 50 plus 1% kuti iumbe hurumende.

Munyori mukuru weANC VaFikile Mbalula vaudza vatori venhau kuti vakagadzirira kushanda nerimwe bato kana mapato kuti vaumbe hurumende yemubatanidzwa.

Parizvino ANC ine zvikamu makumi mana kubva muzana kana kuti 40.20, DA ine zvikamu zvinodarika makumi maviri nerimwe kubva muzana kana kuti 21. 78%, uMkonto weSizwe ine zvikamu zvinodarika gumi nezvina kubva muzana kana kuti 14, 59% ukuwo EFF iine zvikamu zvinodarika gumi nepfumbamwe kubva muzana kana kuti 9.51%.

Nyazvi munya dze zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology kuSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Mukonza vaudza Studio 7 kuti zvave opachena kuti pave kufanira kuumbwa hurumende yemubatanidzwa.

Muzvinafundo Mukonza vanotiwo, chero hazvo paine vamwe vashoma vane kunyunyuta nemafambiro akaita sarudzo , vatungamiri vemapato akasiyana siyana vari kubvuma kuti sarudzo idzi dzaitwa zvakanaka, murunyararo pasina mhirizhonga.

Vatiwo pane zvizhinji zvingadzidzwe ne Zimbabwe kubva mumafambisirwo ari kuitwa sarudzo muSouth Africa. Zimbabwe yakaita sarudzo gore rapera dzakashorwa nevakawanda dzichinzi dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro Na Muzvinafundo Ricky Mukonza