Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanosvika kuSouth Korea kuMusangano weKorea-Africa

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vasvika muSeoul, guta guru reSouth Korea, uko vari kutarisirwa kupinda musangano wemazuva maviri weKorea-Africa Summit, uyo uchatanga neChipiri.

VaMnangagwa vanonzi vari kuperekedzwa kumusangano uyu nemakurukota anoti rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, rezvemamiriro ekunze, Amai Sithembiso Nyoni pamwe nerezvekurima, Doctor Anxious Masuka, pamwe nevamwe vakuru vakuru muhurumende yavo.

Mutungamiri wenyika anonzi achibva kumusangano uyu achabva aenda kune mumwe musangano weSt. Petersburg International Economic Forum kuRussia.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti mutungamiri wenyika vanofanirwa kunge vachisharawo mimwe misangano yekuti vanotuma vatewedzeri vavo, kana makurukota chaiwo, kwete kuti vade kupinda misangano yese yangoshevedzerwa.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana, vanoti hapana hapo chakapia kuti misangano yakadai iitwe.

Asi vanoti nyika dzemuAfrica dziri kuzvideredzera zvakanyanya nekungobvuma kushevedzwa kumisangano yese yangonzi yaitwa nenyika dzekumawirira, zvinoguma zvaita sekunge vatungamiri ava vanotya veganda jena.

Vanoti nyika dzemuAfrica dzinofanirwawo kuita misangano yakadai dzokokawo vekumawirira nevekumabvazuva ava, asi vachiti izvi hazviite nekuda kwenyaya dzehuwori.

Bazi rezvekuburitswa kwemashoko rinoti misangano iyi ichapa mikana kuvatungamiri venyika dzepasi rino nevemabhizimusi wekuti vazeye nyaya dzakakosha dzine chekuita nezvehupfumi pamwe nekutengeserana.

Nyika makumi mana nesere dzemuAfrica dziri kutarisirwa kupinda musangano weKorea-Africa Summit uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTendai Ruben Mbofana