VaTrump Voshandisa Kusungwa Kwavo neMhosva Kutsvaga Mari yeSarudzo Zvoitwawo naVaBiden Vari Kuvashora

Vanhu vakaratidzira vachifara pakaziviswa kuti VaTrump vane mhosva.

Vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, nemusi weSvondo vakataura pamusoro pekuti vanogona kutongerwa kugara mujeri mwedzi unouya zvichitevera kuwanikwa kwavo vaine mhosva yekunyepa pamagwaro emabizimisi avo.

Kubatwa nemhosva uku kwave kushandiswa naivo VaTrump naVaBiden mukutsvaka rutsigiro vachipa manyavi vatsigiri vavo.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kukwezva vavhoti vasina kwavakarerekera kuchanetsa.

Vangangove zvavo mutungamiri weAmerica wekutanga kuwanikwa aine mhosva, asi rimwe remagweta avo, VaWill Scharf, rinoti mbiri yaVaDonald Trump haisi kudzikira mavari kutsvaka rutsigiro.

VaScharf vanoti, “Chikwata chiri kutsvagira vaTrump rubatsiro chakaita zvisati zvamboonekwa munhoorondo yekutsvaga mari yesarudzo, kusanganisira kuunganidza mari kubva kuzviuru nezviuru vaibatsira kekutanga mukati memaawa makumi maviri nemana kubva zvakapiwa mutongo. Ndinofunga kuti vanhu vemuAmerica vanoona mutongo uyu sezvawaive. Tave netarisiro izere kuti patichaipikisa, tichaita kuti nyaya iyi iraswe nematare.”

Paitongwa nyaya iyi, vachuchusi vakapikisa vachiti VaTrump vakanyepa pamagwaro emabhizimisi avo kuitira kuti vawane kuvhoterwa musarudzo iyo vakakunda.

Vachitaura panhepfenyuro yeABC, Gavhuna vedunhu reMaryland vari vebato remaDemocrats, VaWes Moore, vanoti kubatwa nemhosva kwaVa Trump hakuvabatsiri mune zvematongerwo enyika, zvikuru muvavhoti vechitema.

Gavhuna Moore vanoti, “Zvichange zviri mundangariro dzevagari vose ndezve kuve nemunhu, kuve nemutungamiri wenyika sewatinaye pari zvino VaBiden, uyo akatarisa mune remangwana redu.”

Vari pachirongwa chakaburitswa neSvondo cheFox And Friends, VaTrump vakataura pamusoro pemukana wekuti musi waChikunguru 11 vanogona kutongerwa kugara mujeri kana kuve muhusungwa vari pamba pavo.

VaTrump vakati, “Handizivi kuti vanhu vangazvitambira. Munoziva, handina chokwadi chekuti veruzhinji vangazvitambira. Ndinofunga kuti zvingaomera veruzhinji kuzvitambira, munoziva, tinenge tasvika panguva yekuti zvinenge zvisisatambiriki.”

Chikwata chiri kutsvagira VaBiden rutsigiro chakaburitsa padandemutande re “X”, iro raimbonzi Twitter, hurukuro yaVaTrump yacho iine mashoko anoti “Nyakubatwa nemhosva Trump, oti pachaita mhirizhonga kana akatongerwa kupika ari pamba pake.”

Vachitaura pahurukuro yavakashandisa dandemutande re Skype, vanodzidzisa zvematongerwo enyika pachikoro chepamusorosoro, che University of Chicago, Muzvinafundo Susan Stokes, vanoti kunyangwe hazvo VaBiden vachitarisirwa kuramba vachitaura mashoko avo ekuti hapana munhu ari pamusoro pemutemo, kutsvaga kwavo rutsigiro kunotarisirwa kuwedzera kushandiswa kubatwa nemhosva kwaVaTrump sechombo.

Muzvinafundo Stokes vanoti, “Chido chavo chekushandisa mari yavo nemasimba mukuda kuti vasatongwa, unotarisira zvakadaro kubva kwavari.”

Muzvinafundo Stokes vanowedzera vachiti kunze kwekufadza vatsigiri vavo, sangano rinotsvakira VaTrump rutsigiro rinofanira kuchinja zvavanotaura kuti vawane vamwe vavhoti.

Vakati, “Pamwe madzimai emumisha iri pedyo nemaguta vasati vasarudza wekutsigira musarudzo yemuna Mbudzi vanganyengetedzwa kuti kubatwa nemhosva kwaVaTrump hakuna zvakunoreva.”

Vese vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vari kutarisirwa kuenderera mberi nekukwezva vavhoti vaya vasati vafunga wekutewera mwedzi uno, pakamirirwa gakava rekutanga, kana kuti debate, riri kuitwa musi waChikumi 27.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Yatumirwa NaVeronica Balderas Iglesias

Nyaya iyi yatumirwa nemutori wenhau weVOA, Veronica Balderas Iglesias, maiverengerwa naTanonoka Whande weVOA Studio 7.