Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanosangana neMutungamiri weSouth Korea VaYoon Suk Yoel Pamberi peMusangano weKorea-Africa Summit

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kuSouth Korea kwavari kupinda musangano weKorea-Africa Summit uri kutanga neChipiri, vasangana nemutungamiri wenyika iyi, VaYoon Suk Yoel muSeoul.

Vatungamiri vaviri ava vakurukura hukama kweZimbabwe neSouth Korea uye nzira dzekusimbisa kudyidzana kwenyika mbiri idzi.

Vachinyora padandemutande ravo re “X” iro raimbonzi Twitter, VaMnangagwa vati vachanyorerana zvibvumirano zvakasiyana nenyika iyi.

Mutungamiri wenyika vaperekedzwa kumusangano uyu negurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Doctor Frederick Shava pamwe nemumiriri weZimbabwe kuSouth Korea, VaStewart Nyakotyo.

Zimbabwe yagara ine nhoroondo yekudyidzana zvakanyanya nenyika yeNorth Korea kudarika South Korea kubva kumazuva ehondo yerusununguko pamwe nekuumbwa kwechikwata chemauto che 5th Brigade, icho chinonzi ndicho chaitungamira mukushungurudzwa nekuuraiwa kwevanhu vanodarika zviuru makumi maviri munguva yegukurahundi mumatunhu eMatebeleland neMidlands.

South Korea ndeimwe yenyika dzinonzi dzakabudirira mudunhu reAsia.

Musangano weKorea-Africa uri kuitwa kwemazuva maviri muguta guru reSouth Korea, reSeoul, uye nyika makumi mana nesere dzemuAfrica dziri kupinda musangano uyu.

Nyanzvi yezvematongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheTswane University of Technology muSouth Africa, Muzvinafundo Munyaradzi Ricky Mukonza, vanoti kuwirirana kungaumbwe pakati peZimbabwe neSouth Korea kunogona kukonzerawo kusafara kwedzimwe nyika dzisingawirirani neSouth Korea asi dzichidyidzana neZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaMuzvinafundo Ricky Mukonza