VaMnangagwa Vochema Chema neNyaya yeZvirango kuSouth Korea

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vataura pamusangano weKorea-Africa Summit muguta guru renyika iyi reSeoul. Musangano uyu uri kupindwa nenyika dzemuAfrica makumi mana nesere uye vatungamiri venyika nehurumende makumi maviri nevashanu.

VaMnangawa vati Zimbabwe inoda kudyidzana neSouth Korea munyaya dzezvicherwa nezvimwe vachitiwo Zimbabwe inoda kuva shamwari yavose pasi rose. Asi izvi vati zvinokanganiswa nezvirango.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko Ava Mnangagwa

Asi vakatemera Zimbabwe zvirango vakaita seAmerica vari kupomera VaMnangagwa nevamwe vavo mhosva yekutonga nedemo nekuia huori hunotyisa.

Vanoona nezvemagariro evanhu vari mukuru wekurongwa kwemabasa musangano reZimbabwe Network for Social Justice VaReuben Mbofana vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa vave nemakore vachienda kumisangano yakadai asi vachidzoka nenhava izere mhepo. Vanoti Zimbabwe inofanira kuvandudza miremo yayo kuti ikwanise kukwezva vekunze vanozotanga mabasa munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Ruben Mbofana

Mutungamiri wenyika iyi VaYoon Suk Yeol vati vachasimbaradza kudyidzana nenyika dzemuAfrica idzo dzine vanhu vanodarika bhiriyoni imwe chete nemamiriyoni zviuru mazana matatu kana kuti 1,3 billion.

Korea inoti iri kuumba homwe yemabhiriyoni gumi kubatsira Africa uye imwe yemabhiriyoni gumi nemana kubatsira vemabhizimisi vayo vanoda kudyidzana neAfrica.

Parizvino kutengeserana kweAfrica neSouth Korea kungoti pazvikamu zviviri kubva muzana kana kuti 2%.