United Nations Yoisa Zimbabwe Pakati peNyika Dzepasi Rino Dzatarisana neNzara Inotyisa

Zimbabwe nhasi yaiswa penyika gumi nenomwe nechimwe chikwata chenyika ina dziri mudunhu rimwe chete kana kuti regional cluster dzakatarisana nenzara inotyisa pasi rose.

Nzara munyika idzi iri kutarisirwa kuwedzera kubva ikozvino kusvika muna Gumiguru.

Izvi zvabuditswa mugwaro raburitswa nemasangano eUnited Nations anoti reFood and Agriculture Organization-FAO neWorld Food Programme kana kuti WFP.

Nyika dzaiswa mugungano rimwe chete renyika ina kana kuti” regional cluster” dzinoti Malawi, Mozambique, Zambia neZimbabwe. Kumwe kwanzi kune nzara yapfunya chisero kuGaza, Haiti, Mali ne South Sudan uko kune hondo.

Dzimwe nyika dzinogona kufiwa nenzara nekuda kwehondo dzinosanganisira Chad, the Democratic Republic of Congo, Myanmar, Syria neYemen.

UN Office for the Coordination of Humanitarian Affairs kana kuti OCHA yaburitsawo mashoko kuvatori venhau ichiti vanhu mamiriyoni makumi matatu muSADC vakatarisana nenzara inotyisa.

United Nations inoti iri kuda mari inosvika mabhiriyoni mashanu nechidimbu kana kuti US$5,5 billion kupa vanhu chikafu uye kutsvaga nzira dzekuvabatsira mune remangwana. Imwe nyaya iri kukonzera kushaikwa kwechikafu inyaya yekushanduka kwemamiriro ekunze.