VaMnangagwa Voita Musangano naVaPutin Mangwana

VaEmmerson Mnangagwa naVaVladmir Putin

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa mangwana kuita musangano nemutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin kumucheto kwemusangano wechimakumi maviri nenomwe kana kuti 27th St. Petersburg International Economic forum (SPIEF).

Kunze kwavaMnangagwa vamwe vatungamiri vanenge vari kumusangano uyu vanosanganisira wenyika yeBolivia VaLuis Arce.

Muzinda waVaPutin weKremlin ndiwo wazivisa kuti vachaita musangano naVaMnangagwa.

VaMnangagwa vanogara vachiti hukama neRussia hwakakosha kubva munguva yehondo yechimurenga.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika Doctor Frederick Shava asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi vanokokera Zanu-PF mudare repamende VaPupurai Togarepi vati kudyidzana neRussia kwakakosha zvikuru uye kwakatangira munguva yehondo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPupurai Togarepi

Vatiwo Russia neZimbabwe dzakatemerwa zvirango nenyika dzekumawirira nekudaro zvakakosha kuti dzipote dzichiisa musoro pamwe chete.

Asi mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party Doctor Wurayayi Zembe vanoti hukama uhu hauna zvakawanda zvauri kubatsira nyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaWurayayi Zembe