Kurudziro Yekuti VaMnangagwa Vatonge Kusvika 2030 Yokonzera Mutauro muNyika

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Kurudziro yekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varambe vari pachigaro kusvika muna 2030 kana kuti “ED 2030” iri kuramba ichikura uye kupararira nematunhu akawanda.

Makurukota ehurumende, mapoka anotsigira bato reZanu PF, pamwe naivo VaMnangagwa ndevamwe vari kuendesa mberi kurudziro iyi kunyange hazvo bumbiro remitemo richiti vanofanirwa kutonga kusvika muna 2028 chete.

Nyaya iyi inonziwo yaunza kusagadzikana kukuru mubato reZanu PF sezvo vamwe vari kunzi vari kuzviramba asi vachitya kubuda pachena.

Asi vamwe vari kunze kwebato iri kusanganisira VaTwanda Dzvokora, avo vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, vanoti ivo nevamwe vana veZimbabwe vachaita zvose zviri pamutemo kumisa VaMnangagwa nevari kuvatsigira kuti vasaramba vari panyanga kudarika 2028 panopera temu yavo yepiri.

VaDzvokora vanoti vana veZimbabwe vakabuda pachena muna 2023 nehuwandu hwavo kuti havacha hutungamiri hwaVaMnangagwa, nekudaro havangadi kupinda nesri kwemba kusina musuwo, vachiti zvese zviri kuitika ndezvekupenga chaiko.

Vanoti zviri kuitwa nemutungamiri wenyika pamwe nevamwe vavo izvi hazvina kusiyana nekutamba nemuswe wembada, asi kana yakavhunduka hauone kwainokukanda.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti havaoni chakaipa kuti VaMnangagwa varambe vari panyanga kana vachiri kudiwa zvavo nevanhu uye vanoti slogan chete haivandudze mitemo yenyika nekudaro hapana chakaipa pazviri.

Vanoti zvakare bumbiro remitemo rinopa mwana weZimbabwe wese kodzero yekutaura zvaanoda, nekudaro vari kuti “ED 2030” ava ikodzero yavo, kana chete vasiri kutuka vamwe nekukurudzira mhirizhonga.

Doctor Mavaza vanoti kana bato ravo richida zvekuvandudza mutemo wekuti VaMnangagwa varambe vachitonga, rinotevera gwara rekunzwa pfungwa dzevanhu uye harina chinorimisa sezvo riine huwandu muparamende.

Varamba mashoko ekuti mubato reZanu PF hamuchona kuwirirana nekuda kwenyaya iyi, vachiti manyepo nekuti haisati yambokurukurwa nezvayo mungave muCentral Committee kana mu Politburo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Masimba Mavaza pamwe naVaTawanda Dzvokora