Bazi reJudicial Service Commission (JSC) roCherechedza Makore Gumi neMana Kubva Zvaraumbwa

Matare aMejasitiriti muHarare.

Komisheni inotungamira kutongwa kwedzimhosva mumatare, yeJudicial Service Commission, (JSC) yacherechedza makore gumi nemana kubva zvayaumbwa nedonzvo rekufambisa nyaya mumatare edzimhosva munyika.

Mutongi mukuru wematare amejasitiri, Amai Faith Mushure, vanoti sekomisheni vane zvakawanda zvavagona kuzadzisa kusvika pari nhasi.

Vanoti zvimwe zvavazadzisa zvinosanganisira kuvakwa kwematare edzimhosva kumatunhu ari kunze kwemaguta makuru nemadhorobha uye kushandiswa kwenzira dzechizvino zvino mukufambiswa kwebasa remumatare, inonzi muChirungu “Integrated Electronic Case Management system,” iyo inobatsira kuti nyaya dzifambe pamadandemutande se Indaneti kana Zoom.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko a Amai Faith Mushure

Asi vamwe vemapato anopikisa nevanoogorora zvemagariro evanhu akanaka vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muboka rekumatare iri.

Mutungamiri wesangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti vari kushushikana nemabatirwo ari kuitwa nyaya neJSC.

Bato rinopikisa rinogara richishoropodza mashandiro ematare edzimhosva muZimbabwe, richiti ane divi raakarerekera uye anogona kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vanoongorora zvemagariro akanaka evanhu, vari mukuru wekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice VaTendai Ruben Mbofana, vanoti Zimababwe haina zvikwanisiro zvekuti matare ashandire pamadandemutande uye hazvisi nyore kuti vematare vashande vakazvimirira pasina kupindira kwehurumende kana vezvematongerwo enyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Va Tendai Ruben Mbofana