VaTrump Vobvunzurudzwa neMushandi Anoona neZvevasungwa Apo Vakamirira Kuzopiwa Mutongo Wavo Mwedzi Unouya

VaDonald Trump

Vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vari kutarisirwa kusangana nemushandi anoona pamusoro pemashandiro evasungwa vanenge vasiri kupika vari mumajeri, kana kuti probation officer, kuti vagobvunzurudzwa nevanhu vanoona nezvevasungwa.

VaTrump, avo vachange vachibvunzurudzwa vari kumba kwavo kuMar-a-Lago kuFlorida, vachange vachiperekedzwa negweta ravo, VaTodd Blanche, pahurukuro yavachaita padandemutande nemushandi wekumajeri wemuNew York City.

Izvi ndezvimwe zvinoenderana nekuwanikwa kwavo vaine mhosva mwedzi wapera, uye zvinoitirwa kuti mutongi wedare aone kana vachikodzera kupika jeri vari kumba kwavo here kana kuti vanokodzera kupika vari mujeri.

Svondo rapera, VaTrump vakawanikwa vaine mhosva makumi matatu neina dzine chekuita nekusataura chokwadi mumagwaro emabhizimisi avo senzira yekuvanza kubhadhara kwavakaita mumwe mudzimai, Stormy Daniels, mari yevharamuromo kuti asafukure hapwa kuti vainge vaita zvepabonde naye.

Mutongi vanoona nezvenyaya iyi, Va Juan Merchan, vachapa VaTrump mutungo wavo musi wa 11 Chikunguru.

Gweta rinoshanda nesangano reAll Hands On Justice, VaKennedy Masiye, vanoti kubvunzurudzwa kwaVaTrump uku ndeimwe yenhanho dzinotorwa nevanoona nezvevasungwa kuti mutongi ape mutongo anzwisisa zvizere pamusoro pemusungwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKennedy Masiye