America Yoramba Mashoko aVaMnangagwa Kuna VaPutin eKuti Haichabatsire Zimbabwe

Elaine French - US Embassy Charge d' Affaires

Muzinda weAmerica muZimbabwe nhasi waramba mashoko akataurwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa kuRussia svondo rapera ekuti United States iri kusimbaradza hukama hwayo neZambia neMalawi ichisiya Zimbabwe. America yati ndiyo nyika inobatsira Zimbabwe kudarika nyika dzese dzepasi rino.

Mumashoko avo pavakasangana nemutungamiriri weRussia, VaVladimir Putin, kuSt Petersburg, VaMnangagwa vakati America iri kusimbaradza hukama hwayo neZambia munyaya dzekuchengetedzwa kwenyika pamwe nekudyidzana munyaya dzehupfumi ichisiya Zimbabwe iri yega.

VaEmmerson Mnangagwa naVaVladmir Putin

Asi mumashoko kuvatori mushandi mukuru pamuzinda weAmerica muZimbabwe kana kuti Charge d’Affairs, Amai Elaine French, vati aya manyepo nekuti hapana imwe nyika pasi inopa rubastiro rwakawanda kuZimbabwe senyika yavo.

Vatiwo America yapa Zimbabwe rubatsiro rwemari inodarika mabhiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica kubva muna 1980 pakawana nyika rusununguko.

Vaenderera mberi vachiti America icharamba yakamira nevana veZimbabwe

vakati muna Ndira wegore rino chaiwo, America yakaisa parutivi mamiriyoni gumi nerimwe emadhora ekuAmerica kuona kuti vanhu vawana chikafua chakakwana.

Hatina kukwanisa kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava asi tabata mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaFarai Marapira avo vati… Zimbabwe haidi zvekupihwa asi kuzvishandira yoga.

Vatiwo gore rino, homwe yemutungamiri wenyika yeUS Presidential Emergency Plan For AIDS Relief PEPFAR yakaisa parutivi mari inosvika madhora mamiriyoni mazana maviri nemapfumbamwe kana kuti USD$209 million yekurwisa HIV munyika.

Vanoongorora zvematongerwo enyika zvakare vari mukuru weDemocractic Party, Doctor Wurayayi Zembe vaudza Studio 7 kuti vakakatyamadzwa chose nemashoko ava Mnangagwa vachiti America inobatsira Zimbabwe zvakanyanya.

Vaenderera vachiti mashoko aya anogona kukanganisa hukamwa hweZimbabwe neZambia.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, VaLazarus Sauti vaudza Studio 7 kuti mashoko aVaMnangagwa anoratidza kuti havafari nekudyidzana kwedzimwe nyika neAmerica asi ivo vachidyidzana nenyika dzisingafambidzani neAmerica dzakaita seRussia.

Vatiwo kunze kwaizvozvo America yakasununguka kudyidzana nenyika dzainoda vakati hapana chakaipa kuita izvi.

Zvichakadaro gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko muZambia VaCornelius Mweetwa vakamboudza Studio 7 kuti vane nzira dzekutaura nadzo neZimbabwe kwete mumapepanhau vati bazi ravo rezvekudyidzana nedzimwe nyika riri kutaura neZimbabwe nezvemashoko aVaMnangagwa aya.

Nyika mbiri idzi dzakatanga kunetsana zvakanyanya apo chikwata cheSADC chaiongorora sarudzo muZimbabwe chichitungamirirwa neZambia chakati sarudzo idzi dzainge dzabirirwa zvemhando yepamusoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya