ZIFA Yokurudzirwa Kugadzirisa Zviri Kunetsa muNhabvu Kuti maWarriors Akwanise Kubudirira

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zimbabwe Warriors

Nyanzvi munyaya dzezvemitambo dzinoti pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa kuti chikwata chemaWarriors chikwanise kuenderera mberi mumakundano eWorld Cup.

Nezuro, Zimbabwe yakakundwa 3-1 neSouth Africa zvaisiya iri pasi pegungano reGroup C nemapoinzi maviri isina kana mutambo mumwe chete wayakunda pane mina yatambwa kusvika parizvino.

Vamwe vari kushora hurumende neZIFA nekutadza kugadzirisa zvinhu munyaya dzezvenhabvu munyika. Hatina kukwanisa kubata mukuru wekomiti yeZIFA iyi VaLinoln Mutasa kana gurukota rezvemitambo Muzvare Kirsty Coventry kuti tinzwe divi ravo.

Asianoongorora nyaya dzezvemitambo Muziwethu Hadebe audza Studio 7 kuti,

"Gungano reZIFA Normalization Commitee rinofanirwa kugadzirisa zvinhu zvinosanganisira kusimbaradza bhora revechidiki nekupa ruzivo kune varairidzi vatsva,"

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzi Hadebe