Hurumende yoKurudzirwa kuKasika Kugadzirisa Hukama hweZimbabwe neZambia

  • Jonga Kandemiiri

VaEmmerson Mnangagwa naVaVladimir Putin

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kunyange hazvo hurumende yeZimbabwe iri kuedza kuita sekunge pasina chikuru chingakanganiswa nemashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekunyomba Zambia avakataura pavakasangana nemutungamiri weRussia, VaVladimir Putin svondo rapera, pane zvikuru zvinogona kukanganisika mune remangagwana nekwavanoti kurasa muromo uku.

Mumashoko avo pavakasangana nemutungamiriri weRussia, VaVladimir Putin, kuSt Petersburg, VaMnangagwa vakati America iri kusimbaradza hukama hwayo neZambia munyaya dzekuchengetedzwa kwenyika pamwe nekudyidzana munyaya dzehupfumi ichisiya Zimbabwe iri yega.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTawanda Dzvokora, avo vari kuNorth Dakota muAmerica, vanoti chinofanirwa kutoitwa negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava kumhanya kunokumbira ruregerero kuZambia.

VaDzvokora vanoti chiitiko ichi chinonyadzisa zvakanyanya kana pachitariswa hukama kweZimbabwe neZambia kubva munguva yemubatanidzwa kweRhodesia Federation, munguva yehondo yerusununguko uye munguva yehurumende yaVaRobert Mugabe.

Asi vanoongororawo zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti mutungamiri wenyika haana chaakakanganisa mukutaura kwavakaita kuna VaPutin, vachiti VaMnangagwa vakangoburitsa pachena kusaenzaniswa kwemikana kuri kuitwa neAmerica pakudyidzana kwayo neZimbabwe neZambia.

Vanoti hukama hwenyika mbiri idzi hahupazwi nemakuhwa, asi kuti makuhwa angangovhiringa mafungiro chete.

Doctor Mavaza vanoti hurumende dzenyika mbiri idzi dzinogona kutora matanho ekugara pasi dzotaurirana kana paine zvakakanganisika zvogadziriswa.

Mutungamiri weZambia VaHakainde Hichilema.

NeChitatu mutauriri weparamende, Va Jacob Mudenda, vakarambidza nhengo yeparemende yebato reCCC, Muzvare Gladys Hlatywayo kutaura nezvenyaya iyi muparamende, izvo zvinosimbisa maonero evari kuti hurumende yeZimbabwe iri kubata nyaya iyi seisina kukosha kana kuti iri kumbunyikidza vari kuti igadziriswe.

Muzinda weAmerica wakaburitsa mashoko uchiramba mashoko aVaMnangagwa aya, uye ichiti haina kumbofa yarasa Zimbabwe.

Ukuwo, hurumende yeZambia inonzi iri kutevera nyaya iyi nemuronga unofanirwa kuteverwa, kwete wekufukura hapwa.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJenfan Muswere, vakazivisa musangano wemakurukota kuti hapana kukanganisika kwehukama kuripo.

America inonzi ndiyo nyika inobatsira Zimbabwe zvakanyanya uye yapa Zimbabwe rubatsiro rwemari inodarika mabhiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica kubva muna 1980 pakawana nyika rusununguko.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti Zimbabwe neZambia dzakatanga kunetsana zvakanyanya apo chikwata cheSADC chaiongorora sarudzo dza2023 muZimbabwe chichitungamirirwa neZambia chakati sarudzo idzi dzainge dzabirirwa zvemhando yepamusoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Masimba Mavaza pamwe naVaTawanda Dzvokora