VaBiden naVaTrump Votatsurana paNyaya yeKodzero yeKupakatira Pfuti

Nyaya yekodzero yekupakatira pfuti inogara ichipesanisa vanhu muAmerica panguva ino yekutsvaka rutsigiro musarudzo yemutungamiri wenyika. VaJoe Biden vanoda kuti pfuti dzinoshandiswa muhondo dzirambidzwa kutengeserwa veruzhinji.

Asi VaDonald Trump vanoti VaBiden vari kuda kutyora kodzero yevanhu iri mubumbiro remitemo yekubvumidzwa kupakatira pfuti. Mutori wenhau we VOA, Scott Stearns, anotipa nyaya iyi.

Vachitaura vari muWashington nemusi weChipiri, VaBiden, vakaudza gungano revanhu vanoda kudzikwa kwemitemo yakaoma inobata kutengeswa kwepfuti kuti vanoda rutsigiro rwavo mukusimbisa mitemo iyi. VaBiden vakati, Tinoda kuti muzvipire kupikisana nevanoda kuti pfuti dzingotengeswa pasina zvinosungirwa kuitwa, kukundawo vanogadzira pfuti nevamwe vezvematongerwo enyika vasingadi kuti tidzike mitemo yekuchengetedza kuurayiwa kwevanhu nepfuti.”

VaBiden vakakurudzira kudzikwa kwemitemo inorambidza kutengeswa kwepfuti dzehondo, vakashora vebato remaRepublican mukuedza kwavo kuvharisa bazi rinoona nezve mhosva dzinoparwa nevanhu vachishandisa pfuti nezvimwe, reBureau of Alcohol, Tobacco, Firearms And Explosives kana kuti ATF, vakati, “Haungati unoda kutevedzera mitemo asi uchida kuti mitemo yacho isasimbiswa uye uchida kuvhara bazi reATF. Haungaite izvi.”

Ongororo yakaitwa nesangano rePew Research Center inoratidza kuti munhu mumwe chete pavatatu muAmerica anoti ane pfuti. VaDonald Trump vakaudza vanokurudzira kutenga pfuti kuti VaBiden vanoda kutora pfuti idzodzo. VaTrump vakatt, Sekuona kwamuri kuita, kana Biden akakunda musarudzo ari kuzokutorerai pfuti dzenyu.”

VaTrump vanoti kodzero yekuva nepfuti iri mubumbiro remutemo inochengetedzwa chete kana ivo vakasarudzwa zvakare kwete VaBiden vachiti, “Kana Biden akakunda musarudzo anoparadza nyika yedu. Kodzero yekuva nepfuri iri mubumbiro remutemo inotorwa. Asi izvi hazviitiki kana ndiri mutungamiri.”

VaTrump vakaudza sangano reNational Rifle Association kuti vanhu vane pfuti ndivo vachapa kuti vakunde musarudzo, vachiti, Ava vanhu vanoda nyika yavo. Vanhu vanokosha uye takabatana navo tichaita zvinhu zvikuru zvekuti zvichakatyamadza vakawanda. Tichakunda musarudzo iyi.

Asi VaBiden vanoti nhorrondo yaVaTrump panyaya yepfuti ndiyo inotofanira kupa vanhu kuti vasavavhotere, Vakati, Trump achangobva mukuudza sangano reNational Riflemen Association kuti anofara kuti paakanga ari mutungamiri wenyika hapana chaakaita pamusoro penyaya yepfuti. Kurega kwake kutora matanho panyaya yepfuti kwapa kuti dambudziko iri ribve rakomba.”

Nemusi weChipiri, VaBiden vakataura nezvenyaya yepfuti panguva iyo mwanakomana wavo Hunter akange abatwa nrmhosva yekutenga pfuti zvisiri pamutemo.

VaBiden vavana kutaura pamusoro pekubatwa nemhosva kwemwanakomana wavo asi vakabudisa gwaro vachiti vanotambira mutongo wematare.

Hunter Biden ndiye mwana wekutanga kubatwa nemhosva baba vake vari mutungamiri weAmerica uye achamiswazve pamberi pedare muna Gunyana pane imwezve mhosva yaari kupomerwa yekusabhadhara mitero yake.

Nyaya Iyi yatumirwa naScott Stearns weVOA NEWS, mukaiverengerwa neni Tanonoka Whande.