ZACC Inoti Yave Kuferefeta Kana Paine Huwori Hungadai Hwakaparwa naVaWicknell Chivhayo neVamwe Vavo

  • Jonga Kandemiiri

VaWicknell Chivhayo.

Komisheni inorwisana nehuwori munyika, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, inoti iri kuda kubvunzurudza vanamuzvinabhizimisi vanoti VaMoses Mpofu, VaMike Chimombe pamwe naVaWicknell Chivhayo kuti inzwe zvizhinji pamwe nekujekeserwa panyaya yebasa rinonzi rakaitwa nevatatu ava vachiitira Zimbabwe Electoral Commssion, ZEC, iro rinonzi raivapa mari inosvika mamiriyoni makumi mana emadhora ekuAmerica.

Mumashoko aburitswa keZACC padandemutande rayo re “X”, iyo yaimbonzi Twitter, komisheni iyi yati iri kuda kuona kana paine mhosva yakaparwa zvichitevera tsamba inonzi yakakanyorwa naVaMpofu naVaChimombe ichienda kugweta raVaChivhayo riri kuSouth Africa, uye mashoko ari kutenderera pamadandemutande ari kunzi akataurwa naVaChivhayo.

Tsamba iyi inonzi yaive yenyunyuto pamusoro pemagoverwo anonzi akazoitwa mari yakawannikwa kubva kuZEC, uyewo mashoko ari kutenderera aya anonzi ari kuburitsa pachena VaChivhayo Vachitaura nezvemabasa anonzi nevamwe ari kuitwa kuburikidza nehuwori, ayo ari kunzi ari kuvapa mari yakawanda kwazvo yavanonzwikwa Vachitaura nezvayo.

Zimbabwe Anti-Corruption Commission

ZACC inoti tsamba nemashoko aya zvinosimudza nyaya dzakarerekera mukucheneswa kwemari zviri kunze kwemutemo kana kuti money laundering uye kushandiswa kwemasimba zvisizvo kana kuti abuse of office.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muZACC, Muzvare Simiso Mlevu, vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti tsamba iri padandemutande reZACC iri ndeyechokwadi, uye vati basa rekuferefeta vatatu ava rinogona kutanga chero nguva kana vangozvipira kumatikitivha ekomisheni yavo.

VaChivhayo vanonzi vakaramba kuti mashoko ari kutenderera pamadandemutande aya ndeavo, vachiti izwi riri kutenderera iri rinogona kunge rakagadzirwa nemichina yechizvinozvino, kana kuti artificial intelligence kuti rifanane neravo.

Hatina kukwanisa kubata vatatu ava kanawo ZEC kuti tinzwe mativi avo panyaya iyi. Asi mutewedzeri wasachigaro veAnti-Corruption Trust of Southern Africa, VaAlouis Chaumba, vanoti kana zvakaitika sekutaura kweZACC uku vana veZimbabwe vangafara chose, asi vanoziva zvavo kuti hapana chikuru chinoburitswa nekomisheni iyi, kunze kwekungosunga nekuregerera kwayagara ichiita.

VaChaumba vanoti huwori hwadzika midzi muZimbabwe sechirwere chegomarara kana kuti cancer. Izvi zviri kuuya panguva iyo vamwe vechidiki muZanu PF vari kuburitsa makano vachipomera VaChivhayo mhosva yekushandisa zita remutungamiri wenyika mumabasa avo ayo vanoti ndeehuwori.

Asi vamwewo ndivo vari kuti VaChivhayo havapengi kutaura kwavasina kuswera sezvo nyika yose ichivaona vachimbeya nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, izvo zvinoratidza kuti vanhu vanodyidzana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAlouis Chaumba