ZACC Inoti Ichakamirira VaChivayo,VaChimombe naVaMpofu Kuti Vazvipire paNyaya Dzehuwori Dziri Kuda kuFerefetwa

VaWicknell Chivayo

Komisheni inorwisana nehuwori ye Zimbabwe Anti-Corruption Commission (ZACC), inoti yamirira kuti vanamuzvinabhizimusi vari kufungidzirwa kuti vakaita zvehuori vachishanda nekomisheni inotungamira sarudzo munyika, yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC , vazvipire kumahofisi ayo kuti vape mativi avo panyaya iyi.

Vanamuzvinabhizimusi vanoti VaWicknell Chivayo (Chivhayo), VaMike Chimombe naVaMoses Mpofu vakadomwa neZACC mugwaro rakaburitswa nekomisheni iyi neMuvhuro vachinzi vanogona kunge vakapara mhosva yekuchenesa mari zviri kunze kwemutemo.

Vatatu ava vanonzi nehumbowo huri kutenderera mumadandemutande hunonzi ndivo vakaburitsa hunoratidza kuti vakabatsira ZEC nezvikwanisiro munguva yesarudzo dzapfuura vakabhadharwa mari inoita mamiriyoni makumi mana emadhora ekuAmerica.

Mushure mekunge vasina kubhadharwa mari dzavo dzavaitarisira, VaChimombe naVaMpofu vanonzi vakanyorera gweta raVaChivayo tsamba vainove yave kushandiswa neZACC pakuferefeta huwori.

VaChivayo vanonziwo vanofanirwa kubvunzurudzwa nekuda kwemashoko ari kutenderera pamadandemutande anonzi ndeavo vachitaura pamusoro pemari idzi pamwe nemamwe mabasa avanonzi vakati vari kuwana muhurumende nekuda kwekudyidzana kwavo nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Asi VaChivhayo vanonzi vari kuramba kuti mashoko aya ndeavo, vachiti panogona kunge pakashandiswa michina yechizvinozvino kuvandudza izwi kuti rifanane neravo.

Sachigaro vekomisheni inorwisana nehuwori, yeZACC, VaMichael Reza, vaudza Studio 7 kuti komisheni yavo yakazvipira kuferefeta nyaya iyi zvizere, vachiti kana vatatu ava vakasazvipira kumahofisi avo, ivo ndivo vachaenda kwavari.

Studio 7 yatadza kubata VaChivhayo, VaChimombe naVaMpofu sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Your browser doesn’t support HTML5

MAshoko Ava Michael Reza

Vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe nemagariro evanhu akanaka vari mukuru anoona nezvekurongwa kwemabasa musangano reZimbabwe Network For Social Justice, VaRuben Tendai Mbofana, vanoti igaroziva kuti hapana chinobuda mutsvakurudzo nekuferefetwa kwenyaya dzakadai neZACC.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro Na VaRuben Mbofana