Bazi Rinochengetedza Miganhu yeAmerica Rotora Matanho eKurwisa Vanopinza Vanhu Zviri Kunze kweMutemo

  • Jonga Kandemiiri

Vanobva kune dzimwe nyika vakaungana pamuganho weAmerica neMexico.

Bazi rezvekuchengetedzwa kwemiganho yenyika America, reU.S. Border Patrol nemapurisa ebazi rinoona nezvekuchengetedzeka kweveruzhinji mudunhu reTexas, eTexas Department of Public Safety, vabatana mukurwisa nvanopinza vanhu muAmerica zviri kunze kwemutemo vachishandisa muganhu wekuchamhembe kweAmerica.

Mumwe mukuru mukuru mubazi rezvekuchengetedzeka kwevanhu muTexas anoti vanoita basa rekupinza vanhu zviri kunze kwemutemo ava vanoshandisa nzira dzepamusorosoro dzekuita izvi dzinosanganisira kushandisa nharirire, madhuroni, vazivi venzira dzekushandisa pamwe nemaredhiyo.

Zvese izvi zvinonzi zvinenge zvichitungamirwa nezvikwata zvinenge zviri kuMexico, uko kunopinda nevanhu vasina magwaro ava.

America iri kuita dambudziko rekupinda kwevanhu zviri kunze kwemutemo, inove imwe yenyaya dzinonzi dzichange dziri pamusoro mukutsvaga rutsigiro kwevachakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

VaJoe Biden naVaDonald Trump vari kushandisa nyaya yekuchengetedzeka kwemiganho yeAmerica sechombo mukutsvaga kwavo rutsigiro.

Nyanzvi mune zvemutemo vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaKennedy Masiye, vesangano reAll Hands On Justice, vanoti nyaya yekusagadzikana kwezvinhu kumuganhu wekuChamhembe kweAmerica idambudziko richanetsa chero hurumende ichasarudzwa muna Mbudzi kana pachitariswa huwandu hwevanhu vari kusvika pamuganhu uyu zuva nezuva.

Vanoti vanoona kushanda pamwe kwebazi rezvekuchengetedzwa kwemiganhu nemapurisa anoona nezvekuchengetedzeka kwevanhu muTexas sedanho hombe mukugadzirisa dambudziko iri, asi vanoti chingangotadzisa kufamba kwezvinhu inyaya yekushaya zvikwanisiro zvinokwana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKennedy Masiye