Danho reDare reSupreme Court remuAmerica Roita Kuti Nyaya yePfuti Irambe Iri paMwongo muSarudzo yeMutungamiri weNyika

  • Jonga Kandemiiri

Nyaya yekuvandudzwa kwepfuti dzichiiswa bump stock iri pakati pesarudzo muAmerica.

Dare repamusorosoro muAmerica reSupreme Court svondo rapera rakabvisa mutemo unorambidza chimwe chinhu chinoiswa papfuti dzakawanda dzisiri zvigwagwa kuti dzikwanise kushanda sezvigwagwa dzichiburitsa mabara akawanda munguva pfupi.

Danho iri rinoita kuti nyaya yepfuti nevane pfuti zvirambe zviri pamusoro mukutsvagwa kwerutsigiro musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica iri kuitwa gore rino. Mutori wenhau weVOA Scott Stearns anotipa nyaya iyi zvizere, iyo yamunoverengerwa naJonga Kandemiiri weVOA Studio 7.

“Bump Stock” zvinhu zvinowedzerwa papfuti mushure mekunge dzapera kugadzirwa izvo zvinodzipa simba rekuburitsa mazana emabara pamineti imwechete.

Zvakarambidzwa kushandiswa nevaive mutungamiri wenyika, VaDonald Trump muna 2018.

VaTrump avo vari kumirira bato re Republican musarudzo, vakati.. “Mangwanani ano, tapedzisawo hurongwa hwekudzika mutemo mutsva unorambidza kuvandudzwa kwepfuti, kana kuwedzerwa ma bump stock.”

Zvichitevera kupfurwa kwevanhu pane imwe konzati ku Las Vegas muna 2017 zvakasiya vanhu makumi matanhatu vaurayiwa.

Munhu akapfura vanhu uyu akashandisa pfuti yakaiswa bump stock kupfura mabara anodarika chiuru chimwe ari pafafitera reimwe hotera.

Mukurasa kwaro mutemo uyu svondo rapera, dare reSupreme Court, iro rine vatongi vakawanda vanotsigira kuchengetedzwa kwetsika dzechinyakare, rakati hurumende yaVaTrump yakashandisa masimba ayo zvisizvo mukurambidza kushandiswa kwezvombo zvakavandudzwa ne bump stocks.

반자동 소총에 부착된 범프 스탁.

Danho iri riri kuita kuti nyaya yepfuti inge ichiramba iri pamusoro mukutsvagwa kwerutsigiro musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vari kutsvagira VaTrump rutsigiro vakati zvizvarwa zveAmerica zvinofanirwa kuremekedza mutongo wedare repamusorosoro iri.

Musi weChishanu, VaTrump vakaudza vanhu vaive pamusangano wekupemberera zuva rekuzvarwa mu Florida kuti kusarudzwa kwavo kuchachengetedza kodzero yekuve nepfuti iri mubumbiro remitemo yeAmerica kana kuti U.S. Constitution’s Second Amendment.

“Tinofanirwa kuwana vanhu, varidzi vepfuti kuti vavhote. Hamusi kuzokwanisa kuve nepfuti dzenyu kwenguva yakareba kana makasavhota, nekuti vari kuda kutora zvese. Vanoda kutora pfuti dzenyu. Vanoda kutora mabara enyu. Vanoda kutora – vanoda kuparadza kodzore dzenyu dziri mubumbiro remitemo, dze Second Amendment,” Vatrump vakadaro.

VaJoe Biden

Vari kutsvagira mutungamiri wenyika VaJoe Biden rutsigiro vakakurudzira dare reKongiresi kuti ridzorere mutemo unorambidza kushandiswa kwezvinovandudza pfuti izvi.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Kamala Harris vakati…. "Kana takafunga nezvematanho achatorwa nevavhoti muna Mbudzi, pane musiyano mukuru kwazvo pakati pepatimire nepane vaive mutungamiri wenyika.

"Ngatisakanganweyi – vaive mutungamiri wenyika vakataura pachena kuti vanhu vanofanirwa kuzvikanganwa, apa vachitaura nyaya yemhirizhonga dzepfuti muAmerica. Saka ngatitoreyi nyaya nehudzamu hwakakosha. Ngatinzwisiseyi kuti tose tinokwanisa kupawo pfungwa dzedu panyaya yakakosha iyi.”

VaDonald Trump veRepublican Party.

Vatsigiri vaVaTrump vari mudare re Congress vanotsigira kodzero dzevane pfuti dzekuti vashandise zvivandudza pfuti izvi.

Mumiriri wedunhu re Florida mudare reCongress, Va Byron Donalds vebato re Republican vanoti…

“Chinhu chinowedzerwa papfuti ichi chi bump stock, kana muchikwanisa, chinongove chekubatsira vanenge vakakuwara maoko, vachiri kukwanisa kupfura. Hazvirevi kuti vave kunanga vanhuwo zvavo. Hazvina kumbobvira zvakadaro.”

Vatsigiri vaVaBiden mudare re Congress vanoti danho redare reSupreme Court iri richakonzera kurasikirwa kwehupenyu kwakawedzera.

Mumiriri we California mudare re Congress, VaAdam Schiff ve Democratic Party vakati….. “Pasina kupokana, pachave nenjodzi mune remangwana mukushandiswa kwezvekuvandudza pfuti izvi. Uye tichange tichizozvibvunza kuti ‘izvi zviri kuitika sei? Sei tiri kurarama nezvakadai?’”

Chikamu chimwechete pazvikamu zvitatu zvezvizvarwa zveAmerica ndechevanhu vanoti vane pfuti, sezvakaburitswa nesangano retsvakurudzo rePew Research Center.

Sarudzo dzaMbudzi dzisati dzasvika, dare repamusorosoro riri kutarisirwa kupa mutongo mune imwe nyaya yepfuti, iyi iri nyaya ine chekuita nekodzero dzekuve nepfuti dzevanhu vane mitongo inovarambidza kuve nepfuti nezvikonzero zvekuti vakapara mhosva dzemhirizhonga yemudzimba.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yaSoctt Stearns weVOA News ichiverengwa naJonga Kandemiiri

Iyo yanga iri nyaya yabva kune mutori wenhau weVOA News Scott Stearns yamaverengerwa neni Jonga Kandemiiri weStudio 7.