VaBiden, VaTrump Votsvaga Rutsigiro muVavhoti veChitema paZororo reKupedzwa kweHutapwa, reJuneteenth

  • Jonga Kandemiiri

VaTrump naVaBiden

Musi wa 19 Chikumi izuva rezororo muAmerica rinozivikanwa seJuneteenth, iro rinocherechedza zuva remugore ra1865 apo pakapera hutapwa mumatunhu akambenge abuda mumubatanidzwa wemamwe matunhu emuAmerica, kana kuti Confederate States, munguva yekurwisana kwezvizvarwa zvemunyika iyi.

Mukutsvaga rutsigiro musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica iriko gore rino, vari kukwikwidza musarudzo VaJoe Biden naVaDonald Trump vose vari kuenda kuvavhoti vechitema munguva yeJuneteenth.

Mutungamiri wenyika, VaJoe Biden vebato reDemocrats, vakaita konzati kumuzinda weWhite Haouse yekucherechedza Juneteenth zuva iri risati rasvika.

VaBiden vakati, “Nhoroondo yedu haisingori yekwatakabva, ine ranhasi neremangwana redu." Vakatiwo, "Chakakosha ndechekuti remangwana iri nderedu tese, kwete revashoma vedu.”

VaBiden vakati vavari kukwikwidzana navo musarudzo vari kuedza “kunyora patsva nhoroondo." Vanotizve, "Pane zvipoko zvitsaru zvakapfeka nguwo itsva zviri kuedza kutidzosera kumashure."

Vakaenderera mberi vachiti, "Zvakadaro, vari kutora rusununguko rwenyu, kuomesera vatema kuti vasavhota, kana kuti vhoti yenyu iverengwe." Vatizve, "Kuvhara mikova yemikana. Kurwisa kukosha kwekusiyana kwetsika nemagariro, pamwe nekushanda pamwekushandidzana.”

Chikwata chiri kutungamira kutsvagira VaDonald Trump rutsigiro chakaparura hurongwa hwakanangana nevatema kuti vavhotere VaTrump, kana kuti “Black Americans for Trump,” neMugovera apo vaimbove mutungamiri wenyika ava vakataura nevavhoti vechitema pane imwe kereke mu Michigan.

VaTrump, avo vari kumirira Republican Party, vakati, “Inharaunda yakakosha zvikuru kwatiri." Vakatiwo, "Taita zvakawanda, ndinotaura izvi, kuvatema kudarika vamwe vatungamiri vese kubva kuna Abraham Lincoln. Chinhu chikuru kwazvo ichocho.”

Vakati vavhoti vari kurasikirwa nemabasa zvichikonzerwa nezvavakati “mamiriyoni evabvakure.”

VaTrump vakati, “Dunhu rose rine miganho. Makanzwa nezvazvo. Asi vari kuuya munharaunda dzenyu uye vari kukutorerai mabasa enyu." Vakati, "Vari kukanganisa rudzi rwechi African American, mushure mezvo, kunenge kwave nerudzi rwechi Hispanic Americans kudarika mamwe marudzi ose.”

VaTrump vakati nharaunda dzevatema dziri kukuvadzwa zvakanyanyisa nekuparwa kwedzimhosva pasi pehurumende yaVaBiden.

"Kuparwa kwedzimhosva kwakawanda kuri muno munharaunda dzevatema wechi African American, uye vanhu vakawanda vanondiona, vanoti, vakuru, tinoda kudzivirirwa.

"Tinoda mapurisa kuti ati dzivirire. Tinoda mapurisa kuti atichengetedze. Hatidi kubirwa kana kubatwa kwiyo kana kurohwa, kana kuurayiwa nekuti tinoda kufamba mumigwagwa kunotenga rofu rechingwa.”

Humbowo hune FBI hunoratidza kuti kuparwa kwedzimhosva kune mhirizhonga muAmerica kwakadzikira munyika yose mumaguta makuru nemadiki.

VaBiden vakati vavhoti vechitema vakaita kuti vasarudzwe makore mana adarika, uye vanoda rubatsiro rwavo zvakare.

“Nekuti vavhoti vechitema muAmerica vakavhota, Kamala neni tave mutungamiri nemutevedzeri wemutungamiri veAmerica, nekuda kwenyu." Vanodaro VaBiden.

Vakatizve, "Uku hakusi kuwedzera mashoko. Nekuti makavhota, Donald Trump ave aimbove mutungamiri wenyika akakundwa. Saka nekuda kwevhoti renyu, nevhoti renyu muna 2024, tichaita kuti Donald Trump akundwe zvakare.”

Makore mana adarika, zvikamu zvisere kubva muzana chete zvevavhoti vechitema ndizvo zvakasarudza VaTrump.

Ongororo ye Pew Research yesarudzo dzegore rino inoratidza kuti zvikamu gumi nezvisere kubva muzana zvevavhoti vechitema zviri kutsigira VaTrump, kukwira kwehuwandu gunogona kuita kuve nemusiyano mumatunhu anonetsa kuziva kuti achakunda ndiani anosanganisira Michigan.

Iyo yanga iri nyaya yabva kumutori wenhau weVOA Scott Stearns, yamaverengerwa neni Jonga Kandemiiri weVOA Studio 7.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yatumirwa naScott Stearns weVOA mukaiverengerwa naJonga Kandemiiri weStudio 7