Zambia Yokumbira veSADC neAU Kuti Vagadzirise Gakava Rayo neZimbabwe

  • Blessing Zulu

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muZambia VaMulambo Haimbe vaudza dare reparamende yavo kuti vakumbira vesadc neAfrican Union kuti vapindire pakusvokosvwa kwavanoti kwakaitwa nyika yavo neZimbabwe nekuda kwemashoko emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa apo vaiita musangano nemutungamiri wenyika yerussia VaVladimir Putin musi wa 6 mwedzi uno.

VaMnangagwa vakabuda pavhidhiyo vachiudza VaPutin kuti vaida rutsigiro rwavo sezvo Zambia yave kukonzera kusagadzikana muZimbabwe nekuda kwekudyidzana kwayo neAmerica.

Asi Zambia inoti inoda kuwirirana nenyika dzose kusanganisira iyo Zimbabwe, America neRussia. Tayedza kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Zambia yati yakabatsira Zimbabwe munguva yehondo yerusungunuko uye ikatokurudzirawo kuti zvirango zvakatemerwa VaMnangagwa nevamwe vavo zvibviswe. America nedzimwe nyika dzekumawirira vakatemera VaMnangagwa zvirango vachivapomera mhosva yekutonga nedemo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaMunjodzi Mutandiri vanoshanda nesangano reSouthern Africa Liaison Office vaudza Studio 7 kuti zvaitwa neZambia zvakanaka uye zvinoratidza kunzwisisa nyaya dzekudyidzana kwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunjodzi Mutandiri