Pamberi peGakava reVachakwikwidza, Zvikwata zvaVaTrump naVaBiden Zvomira neNyaya Huru Dziri kutsviriridza muAmerica

  • Jonga Kandemiiri

Vari kukwikwidzana mugakava remutungamiri wenyika muAmerica, VaTrump naVaBiden.

Nyaya inotevera inobva kumutori wenhau weVOA News Veronica Balderas Iglesias muchiiverengerwa naJonga Kandemiiri.

Gakava rekutanga pamakakava maviri evari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica, kana kuti debate, riri kuitwa nemusi weChina svondo rino.

Asi mashoko ekutsvaga rutsigiro ari kushandiswa nevari kukwikwidza akanangana nenyaya dziri kutsviriridza dzakadai seyekupinda kwevanhu munyika neyekuwanikwa kwevaive mutungamiri wenyika, VaDonadl Trump vaine mhosva panyaya yekubhadhara mumwe mudzimai mari vachiviga nyaya dzebonde dzatove kutsviriridza nechakare.

America ichamirira kusvika nemusi weChina kuti izive kana kuwanikwa vaine mhosva kwaVaDonald Trump kuchashandiswa senzira yekuvarwisa nayo pagakava iri nevavari kukwikwidzana navo vachimirira bato rema Democrats vari mutungamiri wenyika ari kutsvaga kusarudzwa zvakare, VaJoe Biden.

VaMitch Landrieu, mumwe wemasachigaro echikwata chiri kutsvagira VaBiden rutsigiro nyika yose vakatotaura pamusoro penyaya iyi apo vakabuda paterevhizheni yenhepfenyuro yeNBC neSvondo muchirongwa “Sanganayi neVatori veNhau.”

VaLandrieu vakati, “Asi hazvisi zvekungodaidza Donald Trump kuti musungwa chete, zvinoenda kumaitiro ake, uye zvinoenda kuhunhu hwake. Rangarirai, akanyoresa kuti abhuroka kanosvika katanhatu. Zvinoreva kuti haasingori chete muzvinabhizimusi akashata. Zvinoreva kuti akatokanganisira vadiki vose vaivimba naye kuti vararame.”

VaTrump vanoramba zvipomerwa izvi. Uye vakavimbisa kupikisa kuwanikwa kwavo vaine mhosva nematare.

VaJoe Biden naVaDonald Trump

Apo VaBiden vanga vachigadziririra gakava revari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika riri kuuya iri vasiri kuonekwa, VaTrump vakasarudza kupinda mundima vachitsvaga rutsigiro mukupera kwesvondo.

Vakaonekwa muWashington nePhiladelphia. Havana kumboviga chidokwadokwa chavo chekuda kupinda mugakava, nedzimwe nguva vachibvunza vatsigiri vavo kuti vozvibata sei kana vave kusangana naVaBiden.

VaTrump vakati, “Ndooma musoro nekuchenama here ndichingoti ndiwe mutungamiri akaipisisa munhoroondo, kana kuti ndove munhu akanaka ndodzikama ndichirega achitaura? Toenderana zvakaenzana here? Ndooma musoro here?”

Vangangomirira bato reRepublican musarudzo yemutungamiri wenyika ava vakashandisawo musangano weMugovera kuyeuchidza vavhoti nepavamire panyaya yevauyi vasina magwaro ekuve munyika.

VaTrump vakati, “Saka kubva zuva rekutanga, tichatanga chirongwa chekuburitsa vanhu chikuru kudarika zvose munhoroondo yeAmerica. Hatina imwe nzira.”

VaBiden vakaparura chirongwa chinoomesera vanotsvaga hupoteri kumuganho wenyika uri kuchamhembe.

Asi vakafukunurawo svondo rapera hurongwa hunopa nzira kune vasina magwaro asi vakaroorana nezvizvarwa zveAmerica. Pavakabuda panhepfenyuro yeNBC, mumwe wemasachigaro ekomiti iri kutungamira kutsvagira VaBiden rutsigiro akapomera mhosva yemamiriro ezvinhu pari zvino kuna VaTrump nebato reRepublican.

VaMitch Landrieu vakati, “Muganhu wenyika uri mudambudziko. Uye zvanga zvakadaro munyika muno kwemakore makumi maviri kana makumi matatu adarika. VaJoe Biden pazuva rekutanga, zuva rekutanga, vakatumira hurongwa hwakadzama huri pamusoro pevabvakure kudare reCongress. Asi (vekongiresi) havana chavakaita nezvazvo.”

Kunze kwenyaya yekupinda kwevanhu munyika, zvinotarisirwa kuti VaBiden naVaTrump vachabvunzwa mibvunzo iri pamusoro pedzimwe nyaya dzakawanda dzinonetsa pagakava rekutanga richaitwa nenhepfenyuro yeCNN musi wa 27 Chikumi.

Your browser doesn’t support HTML5

E24-Americana

Iyo yanga iri nyaya yabva kumutori wenhau weVOA News Veronica Balderas Iglesias yamaverengewa neni Jonga Kandemiiri weVOA Studio 7.