Vanamuzvinabhizimusi VaChimombe naVaMpofu Vanozvipira kuZACC Kuti Vabvunzurudzwe neZvehuwori Hwavari Kupomerwa

Zimbabwe Anti-Corruption Commission

Muzvinabhisimusi uye vakambotungamira sangano reAffirmative Action Group, VaMike Chimombe, pamwe nemumwe muzvinambhizimusi, VaMoses Mpofu, vazvipira voga kukomisheni inorwisana nehuwori yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, kuti vabvunzurudzwe pamhosva dzavari kuvapomerwa dzekuba mari inosvika mamiriyoni makumi mana emadhora ekuAmerica (US$40 million) yehomwe yechirongwa chemutungamiri wenyika chembudzi, kana kuti Presidential Goat Scheme.

Vaviri ava vaperekedzwa negweta ravo, VaTapson Dzvetero, vekambani yemagweta ye Dzvetero Legal Practitioners, avo vati ivo pavasvika kuZACC naVaChimombe naVaMpofu, vaudzwa kuti vaizoshevedzwa.

“Taenda kuZimbabwe Anti-Corruption Commission tikanzi vachazotidaidza kuti tigozouya,” vanodaro VaDzvetero.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano re Anti-Corruption Trust of Southern Africa, VaAlouis Munyaradzi Chaumba, vanoti inenge iri shuviro yevana veZimbabwe yekuona nyaya dzakadai dzichinyatsopiwa hudzamu hwakakura kwazvo.

“Tichitarisana nekwatakabva pakavambwa ZACC ndinoona sekunge ngoma ndiyo-ndiyo. Hapana chinobuda,” vanodaro VaChaumba.

VaJacob Ngarivhume,vanove mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe, vanoti zvaitwa nekomisheni yeZACC mahumbwe chaiwo.

Vanoshanda vachiita zvetsvakurudzo varipasi pesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaStanford Nyatsanza, vati ivo maitiro esangano reZACC anoratidza kuti huori idambudziko richakapfunya chisero munyika.

“Uyu mucheredzo unotiratidza kuti dambudziko rehuori munyika richanetsa kupedza,” VaNyatsanza vadaro.

Asi mushandi mukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato riri kutonga reZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti havana chavaona chakaipa pane zvaitwa nekomisheni yeZACC pane zvose zvaitika nhasi.

Vakambotungamira sangano rinomirira vadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe, VaAllan Chipoyi, vanoti ivo vanoona nyaya yaVaChimombe naVaMpofu kusina kwaichaenda nematambirirwo ayaitwa nhasi neZACC.

“Zviri pachena kuti nyaya dzacho dzese dzichangonyangarika. Hapana kwazvinosvika. Zvinongoramba zvakadaro vana veZimbabwe vachingokwangwaya, vachingodyirwa mari dzavo,” VaChipoyi vakadaro.

Izvi zvatsinhirwa nenyanzvi mune zvehupfumi uye vakamboshandira bazi rezvemari muhurumende, VaMasimba Manyanya, avo vati zvaitwa neZACC pamabatiro ayo nyaya yaVaChimombe naVaMpofu iyi zvinongoratidza kusarevesa kwemapoka ehurumende mukurwisa huwori.

Aka hakasi kekutanga kuti VaChimombe vaferefetwe kana kusungwa nenyaya dzehuwori.

Muna 2022 vakazobviswa pachirauro mushure mekunge hofisi yevachuchusi yeNational Prosecuting Authority yaturura nyaya yayaivapomerwa kumatare edzimhosva yekubira mumwe munhu mari inoita zviuru gumi nezvitanhatu zvemadhora ekuAmerica vachiti vaizomutengesera nzvimbo yekuvakira imba kuTynwald, asi nzvimbo yacho ichinzi yakanga isiko.

Vari kupomerwawo zvakare mhosva yekuita zvehuwori panyaya yekuti vainzi vaizowanisa ZEC zvikwanisiro musarudzo dza2023, iyo inonzi zvakare neZACC iri kuvaferefeta pamwechete naVaMpofu naVaWicknell Chivhayo.

Vatatu ava vanonzi vakabhadharwa mari inosvika mamiriyoni makumi mana emadhora ekuAmerica (US$40 million).

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Jeffrey Moyo