Vakuru veMauto muNyika Havana Kukokwa kuGungano Guru reAmerica neAfrica Rekuzeya Kudzivirirwa kweNyika

Zimbabwe Defence Forces Commander General Philip Valerio Sibanda

Vakuru vemauto muZimbabwe vanoti General Philip Valerio Sibanda veZimbabwe Defence Forces nemutungamiri wemauto kana kuti Zimbabwe National Army Lieutenenant- General Ansleem Nhamo Sanyatwe havana kukokwa kumusangano wezvekudzivirirwa kwenyika watanga muBotswana nhasi uchikokerwa nebazi reUnited States Africa Command kana kuti AFRICOM.

Mukuru anoona nezvehusori muAFRICOM, Amai Rose Keravouri vaudza Studio7 kuti izvi zvonotevera kusakokwa kweZimbabwe mushure nekupihwa rairo kubva kuhutongi hweAmerica.

Vaenderera mberi vachiti chiitiko ichi hachisi chekuparadzanisa Zimbabwe nenyika yeAmerica asi kungoti vakapihwa rairo nevakuru vakuru wehurumende yeAmerica.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende maringe nenyaya iyi sezvo gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri vadzima nharembozha yavo pavangonzwa kuti vari kutura nesu.

VaCharles Shumba, avo vanoona nezvekudzivirirwa vaschishandira pamuzinda weZimbabwe muBotswana, varambawo kutaura neStudio7 kunyangwe hazvo vapindira musangano uyu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reZimbabwe Network for Social Justice kana kuti ZimJustice, VaTendai Mbofana vanoti Zimbabwe haina kukokwa nekuti ine pamuromo pasinga mharwi nenhunzi.

Zvichakadaro, mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi vati nyika dzemuAfrica dzakafanira kuita mubatira pamwe chuma chemuzukuru mukutsvaga nzira dzekupedza makakatanwa ayo ari kuzvara hondo nekuurayana.

Mukuru mubandiko reAFRICOM, General Michael Langley vati zvakakosha kuti nyika dzivane nguva yekuzeya matambudziko evanopfurikidza mwero nemamwewo adziri kusangana navo pamwe chete nekupana mazano.

U.S. Africa Command, iyo ine muzinda wayo muguta reStuttgart muGermany, inoona nezvekudyidzana munyaya dzechiuto pakati peAmerica nenyika dzemuAfriva.

Musangano watanga nhasi muBotswana uyu uri kutarisirwa kupetwa nemusi weChina uchibuda nezvisungo zvakanangana nekusimbaradza kudzivirirwa kwenyika dzemuAfrica.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Shingirai Madondo