US$7 Million Yotenga Mbudzi Zviuru Zvitatu: ZACC Yoroverera VaChimombe naVaMpofu Mhosva yeKuita Huori

Presidential Goat Scheme recipients

Nhengo yeZanu-PF VaMike Chimombe naVaMoses Mpofu vamiswa pamberi pedare nhasi vachipomerwa mhosva yekuita huori pamari inosvika mamiriyoni manomwe kana kuti US$7 million kubva kuhomwe yekutengera varombo mbudzi kana kuti Presidential Goat Scheme.

Vaviri ava vanonzi vakatenga mbudzi shoma imwe vakatyorera muhomwe. Muchuchusi wenyaya iyi, VaAnesu Chirenje ndivo vakumbira kuti nyaya itongwe neChina kuti vari kuferefeta vauye nehumbowo huzere hwekuchuchisa vavi ava.

Vaviri ava vanonzi nevachuchusi vakati vainge vaine mbudzi zviuru makumi maviri nemazana mashanu kana kuti 32 500 asi ivo vainge vaine zviuru zvitatu nemazana manomwe negumi nembiri chete kana kuti 3 713.

Asi mejastiriri Amai Marewanazvo Gofa vati vachapa mutongo wavo mangwana panyaya yekuti vaviri ava vopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso here kana kuti kwete.

Vanoshanda nesangano rinorwisa huori reAnti-Corruption Trust of Southern Africa (act-sa) VaObert Chinhamo vati vanovimba kuti gore rino Zimbabwe Anti-Corruption Commission icharatidza mazino kwete kubata yebhururutsa shiri.

Mune imwe nyaya iri kumatare, vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaBright Matonga vadzoserwa mutiro kuChegutu sezvo mutongi ati achaenderera beri mangwa nekunzwa chikumbiro chavo chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba.

VaMatonga vari kupomerwa mhosva yekuba zvekurimisa zvemari inosvika zviuru mazana mashanu zvemadhora kana kuti US$500 000.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Chinhamo