VaTrump naVaBiden Vokandirana Makobvu neMatete muGakava Ravo reKutanga

US President Joe Biden and former US President and Republican presidential candidate Donald Trump participate in the first presidential debate of the 2024 elections at CNN's studios in Atlanta, Georgia, on June 27, 2024. (Photo by ANDREW CABALLERO-REYNOLD

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vebato remaDemocrats vaita gakava nhasi nevaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump. Gakava iri raitirwa kuAtlanta Georgia uye range richikokerwa nenhepfenyuro yeCNN uye riri kuitwa pamberi pesarudzo dzichaitwa muna Mbudzi gore rino.

VaBiden naVaTrump vatatsurana sezvange zvakatarisirwa neveruzhini mugakava ranhasi. Vataura nyaya dzakanangana nehupfumi, kudzivirirwa kwenyika, hutano, kudyidzana nedzimwe nyika nezvimwe. Aka ndekekutanga vari kutungamira nyika neakambotungamira nyika vachiita gakava munhoroondo yeAmerica.

VaJoe Biden

HUPFUMI

Panyaya yehupfumi VaBiden vati hurumende yavo yakwanisa kudzikamisa zvinhu vachiti VaTrump vakasiya nyika iri kumawere.

Asi VaTrump varamba mashoko aya vachiti vakasiya nyika iri pari nani asi ikozvino yaondongwa naVaBiden.

HUTANO

Panyaya yezvehutano, VaBiden vati vakakwanisa kurwisa chirwere cheCovid-19 vakanyukura nyika mumadhaka mayainge yasiiwa naVaTrump. Asi VaTrump vati vakaita zvakawanda zvavasiri kuroverwa maoko mukurwisa denda iri.

VaDonald Trump

Panyaya yekodzero yemadzimai yekubvisa nhumbu, VaTrump vati zvinofanira kuendeswa kumatunhu kwete kuhurumende sezvakatongwa nedare repamusoro soro. Asi VaBiden vati hurumende ndiyo inofanira kuva nechekuita nenyaya iyi sezvo mamwe matunhu anotsigira maRepublicans ave kuramba kuti mai vabvise nhumbu kunyangwe hutano hwavo huri munjodzi.

KUDYIDZANA NEDZIMWE NYIKA

Vachitaura nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaTrump vati VaBiden vari kutatarika kupedza hondo kuIsrael neUkraine. Asi VaBiden vati vakwanisa kubatanidza nyika dzakawanda pasi rino kuti dzibatsire Ukraine

VaTrump vati vachaomesera China panyaya yekutengeserana vakati vakamboita izvi kuburikidzwa nemitero yakakura yavakabhadharisa nyika iyi pane zvainotengesa kuAmerica. Asi VaBiden vati mitemo yavo ndiyo yatonyanya kuomesera China vachiti VaTrump chavo kutaura pasina chinobuda.

VaJoe Biden naVaDonald Trump

KUPINDA KWEVAPOTERI

Vachitaurawo panyaya yezvekupinda kwevanhu muAmerica zvisiri pamutemo, VaTrump vati VaBiden vari kuregedza mbavha nevanopfurikidza mwero vachipinda muAmerica vachiguma voponda vanhu nekutorera zvizvarwa zveAmerica mabasa.

Asi VaBiden vati vakayedza kudzika mitemo yekuti vanhu vasangopinde munyika VaTrump vakafurira vebato ravo kuti vasavhotere bhiri iri.

VANHU VATEMA

Panyaya yekuti zvii zvavachaitira vatema vemuAmerica, VaTrump vati mitemo yaVaBiden iri kupa kuti vatema vanonge svosve nemuromo. Asi VaBiden varamba nyaya iyi vachiti vakwanisa kusimudzira vatema munyaya dzezvehupfumi.

KUTATSURANA

Varume vaviri ava vatatsuranawo vachikandirana makobvu nematete panyaya dzehunhu hwavo.

VaTrump vati VaBiden ndivo vakaita kuti vasungwe nekupomerwa mhosva yekunyora mashoko ekunyepa pamagwaro avo emari yemitero vachinzi vakabhadhara mari yevharamuromo kune mumwe mudzimai anoita zvemafirimu epabonde. Vanonzi vaiita izvi kuda kuti vakunde musarudzo dza2016. VaTrump vatiwo mhuri yaVaBiden inoita zvechitsotsi zvakapa kuti mwana wavo, Hunter Biden asungwe.

Asi VaBiden vati inhema vakati VaTrump vakaita zvepabonde nemudzimai anoita zvemafirimu epabonde vachiita gumbo mumba gumbo panze. Vati vane mhosva dzakawanda dzavakapara dzavari kutongerwa kumatare dzisinei nehurumende.