Hurumende Inoti Vanodzivirira Nyika Vakagadzirira Kuranga Vainoti Vanoda Kukonzera Kusagadzikana muNyika

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Doctor Jenfan Muswere

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaJanfan Muswere vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti vane humbowo hwekuti vanopikisa nevemasangano akazvimirira oga vari kuda kukonzera kusagadzikana munyika.

Vayambira vanhu ava kuti vachatorerwa matanho akasimba kune vanhu vavasina kudoma ava uye vamwe vavati vari kuda kudzoka mune zvematongerwo enyika vachiita zvemhirizhonga.

Vati vanodzivirira nyika vakagadzirira kuchengetedza runyararo. Mashoko aya akada kufanana neakataurwa nemutungairi wenyika VaEmmerson Mnangagwa mazuva adarika kuPolitiburo yebato ravo vachiti vanoda kuratidzira vari kuda kukanganisa musangano weSADC uchaitwa muna Nyamavhuvhu muZimbabwe.

Mapurisa ari kurambidza chikwata cheCitizens Coalition for Change necheBlue Movement anotsigira Advocate Nelson Chamisa kuita misangano kana nemudzimba dzavo dzimwe nguva. Mapurisa ari kupa zvikonzero zvakasiyana siyana pakurambidza misangano iyi. Asi United Nations yakamboudza hurumende kuti kuratidzira murunyararo ikodzero yevana veZimbabwe iri mubumbiro remitemo.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika akaita seZimbabwe Lawyers for Human Rights, Zimbabwe Peace Project, ZimRights, Zimbabwe Human Rights Forum nemamwe ekunze akaita seAmnesty International neHuman Rights Watch anoti hurumende yeZimbabwe iri kuenderera mberi ichityora kodzero dzevanhu ichivaita kafiramberi uye kuvadzivisa kuratidzira kana murunyararo.

Asi mutauriri wechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaPromise Mkwananzi vati zviri kuitwa nehurumende kuda kumbunyikidza vanopikisa. Vati kuvhuduka chati kwatara kunoratidzawo dambudziko rekubirira sarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPromise Mkwananzi