Mapurisa Anonzi Asunga Nhengo dzeCCC Dzanga Dzichinoisa Dombo paGuva raVaMboneni Ncube kuLower Gweru

  • Jonga Kandemiiri

Mapurisa eZimbabwe Republic Police.

Mapurisa muGweru anonzi asunga vanhu vanodarika zana vanga vachienda kuLower Gweru kuhurongwa hwekuiswa kwedombo paguva penhengo yebato reCCC, VaMboneni Ncube, avo vakapondwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF muna 2022 kuKwekwe.

Murongi wemisangano muchikwata chinotsigira vaive mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa, VaAmos Chibaya, vanoti mapurisa aya asungawo motokari dzanga dzichishandiswa nevanhu vanga vachienda kuhurongwa hwedombo uhu uye anga achirambidazwo motokari dzose dzanga dzichida kuenda kuMaboleni ku Lower Gweru kunove kumusha kwaVaNcube.

Vanoti vasungwa vose vaendeswa pakamba yemapurisa yeGweru Central uye vanga vachiri kuita hurongwa hwekuti magweta avo ange achitanga hurongwa hwekuti vasungwa ava vawane humiriri.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa mudunhu reGweru kanawo mutauriri wemapurisa nyika yose Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe kana vasungwa ava vanga vachiri mumaoko emapurisa sezvo nhare dzavo dzanga dzisiri kudairwa.

Izvi zviri kuuya mushure mekusungwa kwenhengo makumi manomwe nepfumbamwe dzeCCCmuHarare svondo rapera idzo dzichiri muhusungwa dzakamirira mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Hurumende yakayambira kuti ichatora matanho akaomarara kune vose vachada kukonzera kusagadzikana munyika.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangawa vanoti vane humbowo hwekuti vanopikisa vari kuda kukonzera kusagadzikana pamberi pemusangano weSADC.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAmos Chibaya