VaBiden naVaTrump Vodzoka muKutsvaga Rutsigiro Mushure meGakava

  • Jonga Kandemiiri

VaJoe Biden naVaDonald Trump

Vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica, VaJoe Biden naVaDonald Trump vadzoka mukutsvaga rutsigiro zvichitevera gakava ravo rekutanga svondo rapera.

Kutatarika pane dzimwe nguva kwaVaBiden mugakava iri kwaita kuti dzimwe nhengo dzebato ravo dzitange kutsvaga kuti ndiyani angavatsiva achimirira bato ravo musarudzo.

VaDonald Trump vebato reRepublican naVaJoe Biden vebato reDemocrats vakadzoka mukutsvaga rutsigiro zvichitevera gakava rekutanga resvondo rapera, VaBiden vachitarisira kusimbisa vatsigiri vavo kuti vakagadzirira kutonga kweimwe mamwe makore mana zvichitevera kusaita kwavo zvakanaka mugakava iri.

VaBiden vakati, “Ndinokuvimbisai neshoko rangu saBiden, ndingadai ndisiri kukwikwidza zvakare dai ndanga ndisingatendi nemwoyo wangu wese nemweya wangu. Ndinokwanisa kuita basa iri zvechokwadi, zvatiri kurwira zvakanyanya kukura.”

Hurongwa hwaVaBiden hwekuunganidza mari yekushandisa musarudzo hwemukupera kwesvondo wakave mumwe mukana wechikwata chavo kupikisa kushushikana kuri mune dzimwe nhengo dze Democratic Party dziri kuti kukundikana kwavo mugakava kunoreva kuti dzinofanirwa kutsvaga mumwe achamirira bato mutsva.

Mukuru wechikamu chezvematongerwo enyika, cheCenter for Politics, paUniversity of Virginia, VaLarry Sabato vanoti, “Dai panga paine mutsva, ane simba, wechidiki ari kumirira bato reDemocratic, ndinofunga kuti vanhu vaitora mukana uyu munguva isipi kudzivirira VaTrump kunze.”

VaTrump vakati gakava iri rakaratidza kuti sarudzo dzegore rino isarudzo pakati pesimba nehutera.

VaTrump vakati, “Mubvunzo unofanirwa kunge wese achavhota achizvibvunza nhasi hausi wekuti Joe Biden anopona here maminitsi makumi mapfumbamwe ekukakavara, asi wekuti America inopona here mamwe makore mana aJoe Biden asina kutwasuka ari mumuzinda weWhite House.”

VaTrump vakaudza musangano wekutsvaga rutsigiro kuti vanofunga VaBiden vacharamba vachikwikwidza sarudzo.

“Vanhu vakawanda vari kuti zvichitevera gakava remanheru adarika Joe Biden ari kubuda kumakwikwi. Asi chokwadi chiripo ndechekuti, handinyatsotenda hangu mazviri nekuti anokunda vamwe vose musarudzo vebato reDemocrats vavari kutaura nezvavo.”

Vamwe vemubato reDemocrats vari kutaurwa mubato iri kuti vangangotsiva vaBiden ndevari kuvatevedzera musarudzo vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Kamala Harris, gavhuna wedunhu risina bato ringanzi ndiro rinokunda reMuchigan VaGretchen Whitmer, gavhuna weCalifornia VaGavin Newsom, Gavhuna weKentucky VaAndy Beshear, nagavhuna weIllionis VaJ. B. Pritzker.

Panhengo dzeDemocratic Party idzodzo hapana ari kuti anoda kutsiva VaBiden. Kuchinja vari kukwikwidza pamberi pegungano rebato ravo muna Nyamavhuvhu kunoda VaBiden vabuda mukukwikwidza.

VaSabato veku University of Virginia vanoti, “Vanofanirwa kutoenda kuWhite House vonoedza kuvaonesa (VaBiden) kuti vabude mukukwikwidza, uye vanogona kunetsa kugutsikana nazvo. Uye vanofanirwa zvakare kugutsa Jill Biden. Uye izvi zvinogona kutooma zvakanyanya.”

Mudzimai wemutungamiri wenyika vakaudza musangano wakaitwa mushure megakava kuti murume wavo ndiye munhu akakodzera muAmerica kudarika vamwe vose.

Amai Biden vakati, “Zvamakaona manheru adarika pagakava aive Joe Biden, mutungamiri ane kuvimbika uye hunhu akataura chokwadi. Uye Donald Trump akataura manyepo mushure memanyepo nemanyepo.”

Zvakabuda musarudzo mushure megakava dzakaitwa neCBS News zvinoratidza kuti maDemocrats anovimba kuti VaBiden vanofanirwa kuramba vari munhu ari kumirira bato musarudzo.

Magungano (conventions) emapato ezvematongerwo enyika ndiwo ane basa kune vanovhota kudarika makaka, sekutaura kwemudzidzisi wezvematongerwo enyika paMarquette University, Muzvinafundo Julia Azari.

“Tsvakurudzo dzemhando yepamusorosoro dzenzira dzechizvinozvino mune zvematongerwo enyika pamusoro pekuti ndezvipi zvinoita kuti munhu avhote uye zvichiita sezvinoenderera mberi kuratidza mavhotero evanhu muna Mbudzi dzinoratidza kuti magungano ane basa, asi makakava haana.”

Chikwata chiri kutsvagira VaBiden rutsigiro chakaita musangano weparunhare nenhengo dzeDemocratic National Committee mushure megakava pamusoro pegungano riri kuuya muna Nyamavhuvhu.

Dzimwe nhengo dzekomiti dzakapinda mumusangano wepanhare uyu dzakaudza sangano renhau reAssociated Press kuti musangano uyu wakanyanya kutarisa nzira yaVaBiden yekuti vasarudzwe zvakare uye hauna kuita hany’a nekushoropodzwa kwemabatiro avakaita gakava.

Nyaya iyi maipiwa nemutori wenhau weVOA News, Scott Stearns, makaiverengerwa naJonga Kandemiiri weVOA Studio 7.