Dare rePamusoro Soro muAmerica Rosimbaradza Kuti Mutungamiri weNyika Ane Masimba Akawanda

Supreme Court What to Watch

Dare repamusoro soro muAmerica reSupreme Court nezuro rakapa mutongo wekuti vaimbova mutungamiri wenyika iyi VaDonald Trump nevamwe vatungamiri venyika havafanire kuendeswa kumatare nekuda kwezvinhu zvavanenge vaita vari muhofisi zvinoenderana nebasa ravo .

Asi rikati matare epasi anokwanisa kutonga nyaya dzinenge dzanzi dzaikaitwa nevatungamiri venyika dzisinei nembasa ravakasarudzirwa.

VaTrump ndivo vakakwidza nyaya iyi kumatare mushure mekunnge vapomerwa mhosva yekupesvedzera mhirizhonga musi wa 6 Ndira 2021 vachinzi vaida kurambira pachigaro mushure mekukundwa musarudzo naVaJoe Biden.

VaTrump vatambira mutongo uyu asi VaBiden vanoti mhosva yavari kupomerwa inofanira kutongwa nematare.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reAll Hands On Justice VaKennedy Masiye vanoti zviri kuitika izvi ndizvo zviri mubumbiro remutemo wenyika yeAmerica.